Nzwisiso nepfupiso

17 Jan, 2020 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza

SVONDO rino muchaverenga ndima yenzwisiso mugopindura mibvunzo inotevera. Maverenga nzwisiso, munofanira kutumira mhinduro dzenyu dzamunofunga kuti ndidzo dzinopindura mibvunzo iyi. Vana vechikoro chete kubva pafomu 1 kusvika 4 ndimi mune kodzero yekutumira. Unofanira kunyora zita rako, zita rechikoro chaunodzidza, fomu yauri, foni number yako neadhiresi yekwaunogara. Munofanira kutumira mhinduro dzenyu panhamba dzeKwayedza dzinoti 0714 200 007 kana 0772 491 827 kana email inoti [email protected] Anopindura mibvunzo inobuda muchikamu chino zvakanaka kaviri kakatevedzana pamwedzi achahwinha mubairo webhuku rekuverenga.

Nzwisiso nepfupiso

Verenga ndima iyi ugopindura mibvunzo yose inotevera pazasi.

Nzvimbo dzinoyevedza  

Zimbabwe inyika yakashongedzwa. Kutibuka kwavachena vekunyika dzokumadokero minongedzo yeudobi udobi hwakadonhedzwa shungu dzowedenga dzichipo.

Makomo Okumabvazuva

Uko-o, kumakomoyo kwakashongedzwa nyika nemakomo marefurefu, kuti wakatarisa mutsipa unokarodzokera mukati. Chitarisa mabwe akaturikidzana, akarongeka zvine unyanzvi husina ani angatevedzera. Iyo miti yakapfekana, yakasvibira kunge mwaka isingashanduki. Vauyi vanomhanyidzana kusweronan’anidza zvishamiso zvemuZimbabwe.

Mapopoma OkuMosi-oa-Tunya

Hapanazve angazeza kupereka yake sirivheri nendarama kana ndangariro dzokuyeverwa nemapopoma emvura dzabata tsinga dzenjere. Ndiwayo mapopoma epaMosi-oa-Tunya. Veduwe-e, kuti mvura inotonhora igume yopfungaira pasina moto, ndemaani mundangariro mazvingabude? Mifananidzo yemabwe nemazaya echando anobuda akaumbwa nemafungu emvura.

Dzimba Dzemabwe (Masvingo eZimbabwe)

Kune dzimba dzemabwe kunova kwakabva zita rokuti Zimbabwe. Tarisai muone ruvako rwamabwe akaturikidzana akaera dhaka. Ukacherechedza unoona michechete yakati chechetere, zvitsoko zvichiurukira kuupenyu. Kumhenderekedzo yeunyiriunyiri uhwu unoona nyanza yeKyle yakati chechetere nemvura inotonhorera, yakaenzanira uye isina hasha pakufamba. Vengano vanoti vanaMbuya Nehanda naSekuru Kaguvi vaiti vakadeketerera nyika apa  pasi raibva rava deveteve.

Inzvimbo yakaropafadzwa norusununguko rwokuti ukasiya chinodyiwa pasi vanamakwiramiti vanozvibayawo zvavo pasina mutengo. Mudhuri wakanyanya kureba panzvimbo iyi wakareba mamita anokwana mapfumbamwe wakadengezerana zvisina mukare akamboona. Kune zviumbwa zvemufananidzo weshiri yehungwe. Zvinonzi pakaita muJerimani akachiva imwe yemifananidzo yeshiri idzi ndokutora zvake chinyararire uye asingaonekwi ndiye tande nayo kunyika kwavo. Pasina mazuva yakadzokwa nayo mutana achireurura mashura nemashiripiti ainge oratidzwa nehungwe iyi.

Chikomo chepaMasvingo eZimbabwe chakakwezva vapoteri vokutanga-tanga zvinova zvakaita kuti pave nekusimukira munyaya dzokurima, kupfuya mombe, kuchera goridhe pamwe nemhangura.

Chitsuwo cheKariba

Kuzoti kuKariba mate anooma mukanwa wakatarisa kubata kwaMwari. Veruzhinji  vanofarira kushandisa mazuva ezororo vachigara muzvidzimba zvezvikepe vachiyerera vari mumvura zvavo. Chimwe chinonyanya kudakadza kudziya kwenzvimbo iyi kunoita kuti varedzi vashaye nungo dzokuburitsa hove dzemarudzi nemarudzi.

Chinosuwisa kunzwa kuti zvuru makumi mashanu nezvinomwe zvavanhu  zvakasimudzwa kubva panharaunda nemhenderekedzo yerwizi Kariba. VaTonga vakashungurudzika kusiya nzvimbo yavaiwana usavi pachena. Kunyange zvazvo vakataramuka kubva panzvimbo iyi yavaidisisa  vakaramba voirangarira kusvika pakutanga mubato wemaoko wokuveza tsvimbo dzine mucherechedzo wokuzvongonyoka kwerwizi Kariba. Unyanzvi hwakazovandudzwa veruzhinji vachiruka tswanda, tsero nemabhasikiti.

Murwizi rukuru urwu munowanikwa rudzi rwehove inonzi hunga. Vanhu vakawanda vanoshanya vanofarira kuredza vakanangana nokubata hove iyi  kunyange zvazvo pane njodzi yokuti muredzi anogona kukurirwa simba nehunga akapedzisira awira mumvura. Chidziro chakakomberedza rwizi urwu chakavakwa  sedenderedzi chakareba mamita anosvika zana namakumi maviri nemasere rwakafara chose zvokutakura mvura yakawanda matani zvuru nezvuru.

Zvikomo zveMatopo

Kuguta reBulawayo kune matombo anoera akarongedzwa pamuzinda wakazotumidzwa naMzilikazi kuti chikomo chaMatopo. Paakazofa, vateveri vake vakabva vamuchengetera mubako romugomo umu. Bako iri rakanamwa kuti pashaye anotamba nemutumbi wezitateguru iri. Nanhasi vanhu vanoshandisa nzvimbo iyi senzvimbo inoera yavanodeketera mvura nezvimwe zvigozhero zvose zvavanosangana nazvo. Munowanikwawo shiri dzemarudzi dzinonzwika kurira nokuchema zvinovaraidza chero mucheche anochema.

Gonarenzou

Ukati pfacha panzvimbo iyi  unoona mhuka dzinofamba namatumbu, dzine tsoka ina nedzinobhururuka. Unobva wayeuka kuti munhu handiye mhuka yoga asi kuti kune mhuka dzine upuka hwakasiyana-siyana. Kuona shumba musango unokwira mumuti neushingi asi dzepano paGonarezhou unopuruzira mamvindi adzo.

Mibvunzo yenzwisiso:

Usati watanga kupindura mibvunzo yenzwisiso nepfupiso, dzokororazve kuverenga nyaya kuti unyatsoinzwisisa.

  1. Ndeipi nyika yanzi ine nzvimbo dzinoyevedza? [1]
  2. Zvikomo zveMatopo zviri munzvimbo ipi yataurwa? [1]
  3. Doma zvinhu zviviri zvanzi zvinobviswa somuripo nevanhu vangada kushanyira nzvimbo idzi. [2]
  4. Mundima madomwa mazita evarwi verusununguko. Ndivanaani? [2]
  5. Mapopoma okuMusi-oa-Tunya anzi inzvimbo ine zviitiko zvinoshamisa. Tsanangura zvinhu zvacho. [2]
  6. Unyanzvi hupi hunoitwa neVaTonga hwataurwa mundima? [2]
  7. Chidziro chakakomberedza rwizi rweKariba chakareba zvakadii? [2]
  8. Tsanangura zvinoreva ndevo dzinotevera semashandisirwo adzakaitwa mundima.

(a) Kutibuka kwavachena [2]

(b) Ruvako rwemabwe akaera dhaka [2]

(c) Vanamakwiramiti vanozvibayawo pasina mutengo [2]

(d) Mate anooma mukanwa [2]

  1. Nyora pfupikiso yenyaya iyi nemazwi ako asingadariki makumi mashanu. [10]

Mhinduro dzenyu dzese dzamunotumira tinodziburitsa svondo rinouya pamwe chete nemhinduro dzinenge dzichitarisirwa.

Share This:

Sponsored Links