O-LEVEL: Kuumba mutauro

03 Mar, 2020 - 12:03 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza

Svondo rino tichaita chidzidzo chiri maererano nezvekuumba mutauro weChiShona. Muchasiirwa basa rekuita iro munofanirwa kutumira mhinduro dzenyu dzamunofunga kuti ndidzo dzinopindura mibvunzo iyi zvakanaka. Vana vechikoro chete kubva pafomu 1 kusvika 4 ndimi mune kodzero yekutumira.

Unofanira kunyora zita rako, zita rechikoro chaunodzidza, fomu yauri, foni number dzako neadhiresi yekwaunogara.

Munofanira kutumira mhinduro dzenyu panhare dzeKwayedza dzinoti 0714 200 007 kana 0772 491 827 email inoti [email protected] uye achapindura mibvunzo inobuda muchikamu chino zvakanaka katatu kakatevedzana pamwedzi achawana mubairo webhuku rekuverenga.

Kuisa mazita mumipanda:

Rumwe ruzivo maererano nezvemazita makaruwana kuzvikoro zvenyu. Mazita anogona kuiswa mumipanda yawo kuchishandiswa nzira dzokuisa mazita mumipanda sokuti:

1. Chivakashure chakafanana

Pakuisa zita mumipanda tinotarisa kuti chivakashure chezita chakafanana nechemipanda yemazita sokuti:

vana, vanhu, varume;            mupanda (2) chivakashure apa ndi va-

musikana, mukomana, munhu;   mupanda (1) chivakashure apa ndi mu-

Pane dzimwe nguva panozoitawo mamwe mazita asingapindi mumipanda iyoyo asi ane chivakashure chakafanana. Izvi zvinenge zvava kuda kuti ushandise dzimwe nzira kuti ukwanise kupatsanura mazita iwayo uchiaisa mumipanda yaanokodzera kupinda.

Basa rokuita:

Doma zvikonzero zvina zvekuisa mazita mumipanda yawo uchipa mienzaniso inokodzera pachikonzero chimwe nechimwe. [12]

Uchishandisa zvikonzero zvawadoma pamusoro, isa mazita anotevera mumipanda yawo:

tete, chikoro

huroyi, mberi      

ruoko, vasekuru        

VaChafa,       

kasikana,  Takunda          

Chembere, mwena             

zana,         

gomana,     svana                

nzizi, muramu          

nyoka,   

mhuka,   

rwiyo,   gomba

vana, rwenga            

kure, meno               

twiza [12]

Mhinduro dzenyu dzese dzamunotumira dzinenge dziri dzacho tichadziburitsa svondo rinouya pamwe chete nemhinduro dzinenge dzichitarisirwa. Kana mwedzi uchinge wapera, tinodoma mudzidzi anenge ahwinha bhuku zvichitevera mhinduro dzakanaka dzaanenge apa kwemasvondo akatevedzana.

Tinokuzivisai zita rake kubva pane vanotumira mhinduro dzakanyanya kunaka. Kana usati wambopinda mumakwikwi aya unokurudzirwa kufambidzana nevamwe kuti usasaririre shure semuswe.

Share This:

Sponsored Links