O-LEVEL — Manyambiri: Nhoroondo yemunyori

01 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
O-LEVEL — Manyambiri: Nhoroondo yemunyori

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza
NHOROONDO yemunyori inokosha zvikuru pakunzwisisa chinyorwa chake.

Izvi zvinodaro nokuti munyori anogona kuratidza zivo yake maererano nenzvimbo yaakambogara, zvakamboitika kwaari, zvaakanzwa munhoroondo yedzinza rake, makuriro ake, zvinhu zvaakasangana nazvo, nezvimwewo.

Zvese izvi zvinobatsiridza munyori paanonyora bhuku kuti abude nenyaya inonakidza, kusuwisa, kuchemedza, kusekesa kana kudzora ndangariro. Nokudaro tichaedza kutarisisa nhoroondo yemunyori webhuku rinonzi Manyambiri.

Bhuku iri rakanyorwa naMacylin Mubuya uyo akaberekwa musi wa12 Kukadzi 1987 kuKadoma.

Akadzidza paBrompton Primary School muKadoma makare ndokuzopedzisa paChiveso Primary School, kuBindura. Macylin akaita sekondari yake kusvika A-Level paChipindura High School, muBindura ndokuzoenda kuUniversity of Zimbabwe uko akatora BA (Hons) Shona muna2008. Pari zvino ari kudzidzisa Shona neChiRungu paLangham Girls High, kuMashonaland Central. Anofarira kunyora nyaya dzeShona neChiRungu uye rino ibhuku rake rekutanga kutsikiswa. Akaroorwa uye ane vana vaviri.

Pfupiso:
Rungano rwuno rwakaitika panguva yepasichigare vanhu vachiri kurarama kusati kwave nezvakawanda sezvaveko muzuva ranhasi. Rungano urwu rwunotsetsenura tsika nemagariro aiita vanhu pasichigare.

Munyori anotipinza munyika yaShe Njeremavhu umo matinoona murume ainzi Rufuse nemudzimai wake vanonzi vakanetseka zvikuru kwemakore mazhinji vasati vawana mbereko vave nechipo chevana vaviri vanove mapatya echisikana.

Vana ava vakatumidzwa mazita ekuti Paidamoyo naPaidokwairiramoyo.

Zvino panoita makakatanwa makuru munyika iyi sezvo mutemo muchinyakare waisatendera kuti manyambiri achengetwe.

Mumwe chete wemapatya aya aifanira kuuraiwa kunyanya uyo aigumisira kubuda pakuzvarwa kwavo. Mambo Njeremavhu pavanoona runako rwevana ava rwakavatyamadza kunyangwe zvazvo vaive vacheche vanovimbiswa naRufuse aive baba vemapatya kuti aizovapa mumwe chete wevana vake kuti aite bango ravo.

Izvi hazvina kutora nguva refu kuti Mambo Njeremavhu vatende mazviri ndokubvuma zano raRufuse.

Mushure mekunge midzimu yemunyika yaShe Njeremavhu yabvunzirwa maererano nechiitiko ichi, inoramba kuti matakanaka akadai aitwe ndokutendera nevanji wamambo kuti azove iye achashara mumwe wemapatya aya kana achinge avafarira.

Share This:

Sponsored Links