O-LEVEL- MANYAMBIRI…Pfupiso yaManyambiri

08 Feb, 2019 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza
TINOFAMBIRA mberi kubva patakasiira svondo rakapfuura.

Paida naPaido vanokura vari vana vakanga vakafanana zvikuru zvekuti aivaona aikwanisa chete kuvaziva kuburikidza nezvifumuro zvavakanga vakaiswa muhuro nemumakumbo. Chinhu chimwechete chaisiyanisa vana ava aive maitiro avo. Paida akanga ari musikana ane nungo dzaisemesa zvekuti chero amai vake vaigara vachigunun’una nezvake. Zvakare, musikana akanga aine mwoyo wakaipa. Paido akanga ari musikana aishanda nesimba, aive netsika dzaiyemurika kune veruzhinji. Izvi ndizvo zvakazoita kuti mwana wamambo Njeremavhu uyo ainzi, Nduramo agone kusarudza Paido achisiya Paida.

Sarudzo yakaitwa naNduramo yaive yakaoma nekuti aifanira kusarudza musikana mumwe chete kubva pavaviri ava.

Hazvaiita kuti atore vose.

Nokudaro izvi hazvina kufadza Paida sezvo achizoonekwa ave kuita shanje yokuda kuuraya mhuri youmambo kuburikidza nekuvaisira muchetura muchikafu.

Zvose zvaiitika murungano urwu zvinoratidza kuti munyori akarwubika achiziva kuti zvimwe zviitiko zviri murongetedzo yake zvinofanira kufambidzana nemazita aanopa vatambi.

Pane mamwe mazita ekuti ukanyatsoatarisisa, unoona kuti anoenderana zvikuru nenyaya. Pamwe pacho zita remutambi rinenge richidudzirwa nezviito zvake, unhu hwake kana zviito zvevamwe vatambi.

Mamwe emazita anoburitsa zvataurwa ndeaya; Ndakasemwa, Rufuse, Paidamoyo, Paidokwairiramoyo, Nduramo, Ngwaru, Nyadziso, Shayamano naNhumwa.

Ongororo yebhuku Manyambiri inoratidza kuti mune vatambi vadiki vakawanda sezvo tichiona vamwe vatambi vachingobuda kamwe chete kana kaviri vachibva vatsakatika. Vamwe vevatambi ava ndivanaBhavheya.

Rungano rwuno rwunosvika kumagumo zvinosiya muverengi achida kunzwisisa dzimwe nyaya dzakawanda-wanda asi dzinoita sekunge dzadimurirwa panzira apo tinoona Nduramo nemudzimai wake Paido vadzokerana asi tisina kuziva kuti Mambo Njerevavhu anozorarama kusvika papi.

Kufamba kwenyaya kunobva pakuti Njeremavhu anenge akwegura zvekuti anoshuvira kuona nevanji wake achiroora uye achiitawo mwanakomana zvinove zvaizomupa chivimbo chete dzinza rake kana kuti imba yake yeumambo hayaizoparara zvachose.

Ino ingori pfupiso chete yakanangana nekuti munge muchikwanisa kunzwisisa zvimwe zviri mubhuku asi tichizvinyora nepadiki.

Muongororo yegwaro rino zvimwe zvezvinhu zvatichatarisa ndeizvi; kupindirana kwemusoro webhuku nerungano, madingindira anobuda, zvidzidzo zvemhangwa zvinobuda mubhuku, zvidzidzo zveupenyu, matambudziko anowira vatambi, kupindirana kwemazita nevatambi, honzeri yematambudziko anowira vatambi, tsika nemagariro evanhu vechinyakare.

Share This:

Sponsored Links