O-LEVEL — MANYAMBIRI: Zvidzidzo murungano

15 Mar, 2019 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza
ZVINHU zvaunodzidza ndizvo zvaunobata mushure mekunge waverenga bhuku. Sekusiyana kwemaverengero edu, zvidzidzowo zvatinobura pamwe pacho zvinogona kusiyana.

Zvidzidzo zvinobuda mumabhuku enganonyorwa zvinowanikwa pamhando dzakasiyana-siyana. Kune zvidzidzo zveupenyu, zvidzidzo zvemhangwa, zvemararamiro aiita vanhu pasichigare. Zvino mugwaro rino tichatarisa zvidzidzo zvese izvi zvakangosangana pasina kuzvitsaura.

Ndakadzidza kuti ruchiva rwakaipa. Zvinobuda kuna Paida anochiva Nduramo uyo akanga achida kuroora Paido. Izvi zvinoguma zvaita kuti azofunge zano rekumuisira muchetura zvinove zvakazopotsa zvavadzingisa mudunhu mavaigara.

Ndakadzidza kuti pasichigare manyambiri aifanira kuuraiwa. Izvi zvinoonekwa panozvarwa Paida naPaido avo vaive mapatya zvichinzi paifanira kuuraiwa mumwe chete wavo kunyanya akanga apedzisira kuzvarwa anove Paida.

Ndakadzidza kuti midzimu yaikosheswa zvikuru pasichigare. Ndakazviona munyika yaMambo Njeremavhu apo midzimu yaikosheswa muzvinhu zvose zvaibata upenyu hwevanhu. Tinoona vanaMambo vachibvunzira kuna Mindya uyo aive svikiro revadzimu munyika mavo kuti vodii nezvenyaya yemanyambiri aRufuse.

Tinopedzisa zvimwe zvidzidzo zvinobva muna Manyambiri svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>