O-LEVEL — RUKUVHUTE

17 May, 2019 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Bhuku renhetembo

Munyaradzi Gunduza
MUMASVONDO apfuura takanga tichiongorora bhuku renganonyorwa rinonzi Manyambiri.

Takatarisa zvinhu zvakawanda kwazvo zvinobuda mubhuku iri. Zvimwe zvezvinhu zvamakadzidziswa kuongorora mubhuku iri hazvishamise mukazosangana nazvo pakupera kwegore apo munonyora bvunzo dzefomu yechina.

Saka zvakakosha kuti mubatisise zvidzidzo zvamunowana mupebanhau rino nekuti zvinokuyambutsai pabvunzo.

Hakuna kumwe kwaunogona kuwana ruzivo rwunobva mubepanhau rino. Naizvozvo shingirira kushandisa bepa iri svondo roga roga kuti murambe muchibatsirikana muzvidzidzo zvenyu. Zvisine, svondo rino tichatanga kuita ongororo yebhuku idzva rakapinda padanho reO-Level uye richatanga kubvunzwa gore rino rinonzi Rukuvhute.

Bhuku iri rine nhetembo dzine madingindira akasiyana-siyana. Rakanyorwa nanyanduri ane mukurumbira pakupanda nhetembo anonzi Chirikure Chirikure. Bhuku iri rakatsikiswa neveCollege Press mugore ra1989.

Rukuvhute muunganidzwa wenhetembo dzine misoro yakasiyana-siyana. Madziri munobuda unyanzvi utsva hwekutonongora munhu neupenyu hwake, hwekuronga pfungwa, nehwekuronga nhetembo.

Umhizha hwemadzitateguru nehwemukore uno hwakabatanidzwa nenzira inosimudzira ChiShona.

Nhoroondo yanyanduri:

Chirikure Chirikure akaberekwa kuVhunjere, kwaGutu, muna 1962. Akadzidza paZimuto Secondary School, Bernard Mzeki College nepaUniversity of Zimbabwe.

Panguva yakatsikiswa bhuku rino, nyanduri wadzo akanga achishanda kuCollege Press ari mupepeti wezvinyorwa. Anozivikanwa zvikuru semudetembi, muongorori wenhetembo panhepfenyuro, munyori mumapepanhau uye mutambi mune zvemadhirama.

Nhetembo dzake dzinobata madingindira akasiyana-siyana akaita sematambudziko anowira Africa, hondo yerusununguko, rufu, upenyu hwevanhu nezvimwewo.

Tichaenderera mberi nekupepeta nhetembo dziri muna Rukuvhute svondo rinotevera.

Panguva ino fanotsvagai bhuku iri mutange kuriverenga.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey