Oau yakadhiritsa dhiri ravapambepfumi

22 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

MWEDZI wokupembedza dunhu reAfrica unozadziswa musi wa25 May apo vanhu veAfrica vanenge vachicheredza makore 52 okuzvarwa kwesangano reOrganisation of African Unity (African Union).

Svondo rino hatisi kukombera, tiri kupedzisa patakasiira, tozorapanura kuti vana veAfrica vari pachokwadi here nenyaya yokubatana nokufamba pamwe chete.

Dingindira remhemberero dzegore rino rinoti: “We are Africa: Opening the doors of learning and culture to promote peace and friendship from Cape to Cairo”.

Nomutauro wedu idingindira rinoti: “Tinonzi Africa isu: Kuzarura masuo edzidzo, tsika namagariro tichisusukidzawo runyararo nousahwira muAfrica kubva kuCape Town (South Africa) tichikwidza kunosvika kuCairo (Egypt).”

Africa iri kuzvirova dundundu, ichiti kune mamwe matunhu kusanganisira Britain ine chizvarwa mupambepfumi Cecil John Rhodes akange akazvimisira kuti Britain nedzimwe nyika dzomuEurope dzichapamba Africa kubva kuCape Town kusvika kuCairo – zvakapera.

Vana vamazuvano vanoti: “Dhiri rakadhirika.” Vana veAfrica vakapepuka vakaona kuti havangatongwi navabvakure vachibirwa zvakare upfumi.

Vakatanga nazvo vatungamiri venyika dzakawana rusununguko kuma1960.

Vakange vasiri vanhu vane hundingoveni nokuti vakaona Africa sedunhu revana veAfrica vose, vakave neshungu dzokuti kunyange vakange vasununguka, nyika dzeAfrica yose dzaisungirwa kusununguka kusvika pave neUnited States of Africa (Nkrumah).

Svondo rapfuura ndakapedzisa ndichiti zvidza zvapo zvakavamba sangano reOAU musi wa25 May 1963 zvaisanganisira: Kwame Nkrumah (Ghana), Emperor Haile Sellasie (Ethiopia), Modibo Keita (Mali), Gamal Abdul Nasser (Egypt), Sekou Touré (Guinea), Julius Nyerere (Tanzania), Ben Bella (Algeria), William Tubman (Liberia), Abubakar Tafawa Balewa (Nigeria), Nnamdi Azikiwe (Nigeria), Jomo Kenyatta (Kenya).

Vakange vasingadi rusununguko rwomureza chete, asi vaida kuti mwana weAfrica ave nemasimba mune zvamatongerwo enyika, masimba ezvinobva muvhu nomumasango, uyewo masimba okuumba upfumi hweAfrica zviri kuitwa naanaAliko Dangote, wandakapa somuenzaniso wevana veAfrica vakapfuma zvikuru.

Dai vatungamiri vasina kutarisa pachinangwa chokuti Africa isununguke, vapfuma nhasi saDangote nanaStrive Masiyiwa muridzi wekambani yeEconet, dai nhasi zvinangwa zvavo zvingori zviroto. Vaizvikwanisa sei pasina vavhura mukana?

Kunyange zvazvo paine dzimwe nyika dzisina kugadzikana, uyewo kuine mabasa echigandanga ari kuitwa neBoko Haram (Nigeria), Al-Shabaab (East Africa) neISIS (North Africa), tiri kuona kuti Africa yavhurika pfungwa.

Zvokumirira nyika dzemhiri hazvina chimuko, uyewo kuti rubatsiro rwacho nderwokuti hapana chemahara pasi pano.

Ndosaka takaona musangano wamakurukota okuchengetedzwa kwenyika eAfrica vachiita musangano mazuva apfuura kuVictoria Falls vachida kubuda nechisungo chokuumba uto reAfrica (African Standby Force).

Asi yasvikawo nguva yokuti Africa ive nechinangwa chokubudirira zvakanyanya – kubudirira kwomunhu wose kwete kwavashoma.

Hondo nokurwisana kwamarudzi zvinopa vamwe pfungwa yokuti Africa izere nourombo, asi tiine mamirioni avanhu vanobva kunyika dzemhiri, vachiuya kudya upfumi hwakazara muAfrica.

Ndosakawo gore rino sangano reAfrican Union rakati igore rokupa masimba kuvanhukadzi. Idingindira rinokwezva munhu wose nokuti chinangwa chebudiriro izere Africa yose patinosvika mugore ra2063: Agenda 2063.

Zviga zveOAU zvakabatsira kusunungura Africa yose.

Kana muma 1963 paive nevaifunga kuti vana Nkrumah vari kupenga; pazvakaitika vakatiwo hapana kwazvinosvika, vakazonzwa President R.G. Mugabe, avo vanove sachigaro weAU vachitaura vari kuMali musi wa15 May kuti:

“I came to West Africa in 1958 as a young teacher and that was to Ghana. Ghana had become independent in 1957 and I wanted to have the experience of a newly-independent African state.

“When I was in Ghana, Kwame Nkrumah was in charge, and Kwame Nkrumah was talking of African unity.

“I did not understand what he meant by African unity. But he said we will start African unity with countries, which are next to us, Mali and Guinea Conakry.

“He said these two countries of all the Francophone countries were the ones, which had resisted De Gaulle. Sekou Toure in Guinea and Modibo Keita in Mali.

“And we were told that in each school, let us teach our children that these three countries — Ghana, Guinea and Mali — were united. So we were teaching our children, “Ghana, Guinea, Mali, Guinea, Ghana, Mali . . . Ghana, Guinea, Mali; Mali, Guinea, Ghana. Nkrumah, Sekou Toure, Modibo Keita. About two years afterwards, then there was talk of uniting the people, and the people of Africa got united in 1963 in Addis Ababa.”

Vakatsondorodza kukosha kwokubatana nokuchengetedza hwaro hwakaumbwa navatungamiri vakatanga.

Mubvunzo ndewokuti, tose tirimo here muzvinangwa zveAfrica, nokuti kumwe kutsoropodza kunoitwa navamwe vanhu kunopa pfungwa yokuti vamwe vari muAfrica yaida kuumbwa naRhodes?

 

Share This:

Sponsored Links