Obatwa nemweya wemunhu akapondwa

23 Jan, 2023 - 07:01 0 Views
Obatwa nemweya wemunhu akapondwa Vanhu vakatakura Mai Mapingure

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI mubhuku raMubobo, kuDema kwaMambo Seke, anoti ari kuingwa nechipoko chemunhukadzi anenge ari marangwanda oga-oga achitaura kuti anoda kuti amuperekedze kumusha kwake kuLilongwe, kuMalawi, kuti anovigwa nehama dzake.

Mai Tambudzai Mapingure (38), avo vanoita basa rekutsemura matombo ekuvakisa (quarry stones) vachitengesa, vanoti izvi zvakatanga vari kubasa vachipwanya matombo nevamwe vavo apo vakaerekana vava kunzwa izwi richitaura.

“Semunhu akasiyana nemurume, ndine vana 4 vandinochengeta nekudaro ndinopwanya matombo ndichitengesa kuDema nemunzvimbo dzakakomberedza.

Gore rakapera mumwedzi waGumiguru, ndaiva nevamwe vaviri tichichera matombo ayo tinozopwanya. Ndipo pandakanzwa izwi rakati, ‘Enda unochera pamberi apo . . .’, ini ndichibva ndaita saizvozvo. Pandaichera kudaro, ndakazonzwa rimwe izwi richiti usasvike apo pane munhu aripo, ndikatevedzera asi hapana chandakaona,” vanodaro Mai Mapingure.

Mudzimai uyu, uyo anoti aimbova muporofita kuchechi yeJohane Masowe Vadzidzi vaJesu, anoti akaita nguva inoita awa achichera panzvimbo iyi ndokuzotorana nevamwe vake vachibva vadzokera kumba.

“Ndava kumba, ndakazorota gomba riya randakaratidzwa richivhurika muine mbatya dzakabvaruka nemunhu aivamo. Kwakazouya munhukadzi kuhope achiti, ‘Wandiona saka ndinoda kuti undibatsire ndisvike kumusha kwangu kuMalawi, ndinoda kuperekedzwa newe’.

“Kubva ipapo, hope idzi dzinoramba dzichiuya kwandiri kusvikira chipoko chakazotanga kuuya mumba mangu ari mabhonzo anofamba izwi remukadzi richitaura neni kuti anoda kuti ndinomusvitsa kumusha kwake kuMalawi uko anoti achaita kuti ndizobhadharwa nehama dzake nemombe,” vanodaro Mai Mapingure.

Vanoti chipoko ichi chinoti mukadzi uyu akauya mumusha wekwaMubobo achida kuuchikwa nemurume airapa uyo aiva n’anga, ndokuzopedzisira ava kumuita mudzimai pamusha uyu achibva azomuponda.

“Kubva pandakanzwa izwi kumatombo kwataichera, mudzimai uyu anouya kuhope kwangu. Kutanga nemusi wa1 Zvita gore rakapera, chipoko chemudzimai uyu chinouya ari mapfupa achifamba, osvikopinda mumba mangu kunyangwe ndakakiya dhoo.

“Mapfupa aya anoti ndiRebecca kana kuti Carol. Anoti akapondwa nevanhu vemumusha uyu waMubobo uye munhu akamuuraya aigara naye achiita zvekurapa,” vanodaro Mai Mapingure.

Vanoti chipoko ichi chiri kuuya masikati machena kana dai husiku.

Chinonzi zvakare chiri kutaura mazita eimwe mhuri yemumusha uyu vanonzi ndivo vane mumwe murume akaponda uyo akazoshaika.

“Chipoko ichi chikauya kana kuchirota, ndinobva ndasara ndichirwara pamwe chete nevana vangu. Chikapinda mumba, chinosvika padyo neni chotanga kutaura zvakawanda.

“Ndakambotaura kuti ndava kufa nenzara, kukauya izwi raiti, ‘ndichatuma munhu nekudya’ zvikaita sekudaro apo ndakaingwa nemudzimai wandisingazive aine girosari reshuga, furawa, hupfu, nemafuta ekubikisa akazongonyangarika pamba ndava kuda kumubvunzurudza kuti akanga abva kupi,” vanodaro.

Mai Mapingure vanoti chipoko ichi vanozongochishaya kana chapedza kutaura navo.

Mudzimai uyu akasiiwa nemurume nekuda kwedambudziko iri uye anonzi mumba make makambouya mhepo yaiva nesimba huri husiku ikapotsa yavatakura pamwe chete nevana nekusimudza denga remba.

“Mweya wemudzimai uyu wava kusvikawo pandiri zvekuti dzimwe nguva ndakabva pamba pasina zvandaiziva ndokuzobengenuka ndiri panzvimbo inonzi ine mapfupa emunhu anoti akapondwa uyu.”

Mai Mapingure vanoenderera mberi vachiti: “Munhu ane pamba pandinochengeta, Mai TT, havazive nezvedambudziko rangu iri, vakaenda kuUK asi ndichawana zvangu nguva yekuvazivisa. Nyaya hombe ndeyekuti ndinoda kubatsirwa kuti mweya wemufi uyu ubviswe pandiri uye izvo nzvekuti mabhonzo ari kutaurwa aya azoendeswa kuMalawi hazvinei neni. Ndinoda n’anga dzinogona kugadzira ndigare zvakanaka, handichakwanisa kushandira mhuri yangu.

“Murume aiva n’anga anonzi akauraya mudzimai wechiMalawi uyu ane mhepo yava kusvika pandiri anonzi akashaika, kwasara vana vake nevazukuru.”

Kune vanoda kubatsira mudzimai uyu vanomubata panhare dzinoti 0774 755 489 kana 0784 522 075.

Mutevedzeri waSabhuku Mubobo, VaSternford Chamboko (70), vanoti nyaya iyi vakainzwa ndokuvimbisa kuti vachaiendesa kwaMambo Seke kuti mudzimai uyu abatsirwe.

“Nyaya iyi tinayo, takamirira kuiendesa kwaMambo Seke kuti vaone matanho ekuti mweya uyu ungabviswa sei uyewo vemhuri ine mazita ari kutaurwa vachaziviswa zviripo,” vanodaro VaSternford Chamboko.

Kwayedza haina kukwanisa kuona mhuri iri kunongedzwa kuti ndiyo yakaponda mudzimai uyu.

VaRomeo Chamboko (56), mumwe wemutevedzeri vaSabhuku Chamboko, vanovimbisawo kuti vachaperekedza mudzimai ari kubatwa nemweya uyu kwaMambo Seke.

Zvichakadai, mumwe muporofita wemuHarare akazoshanyira mudzimai uyu kwaSeke nemusi weChina chino nechinangwa chekumubatsira.

Mweya uyu wakazobata mudzimai uyu Kwayedza iripo akaenda kunoratidza pasango panonzi ndipo pakanofushirwa mutumbi wemukadzi uri kunzi nemweya uyu ndiRebecca kana kuti Carol.

Mweya uyu wakachema uchiti Rebecca akafa achirwadziwa pakupondwa kwake.

“Ndakafa ndichirwadziwa kani, ndinoda kuenda kumusha kwangu kuMalawi ndinoda kuperekedzwa naiyeyu pandigere anonoripwa nehama dzangu. Regai muone, vari kundipfungaidza mishonga, ndinoda kudzoka ndatarisana nekuuraya vanhu vaviri kumhuri yakandiponda iyi,” unodaro mweya uyu.

Share This:

Sponsored Links