Obira vanhu achizviti mushandi weZimsec

08 Dec, 2022 - 07:12 0 Views
Obira vanhu achizviti mushandi weZimsec Dare

Kwayedza

Luthando Mapepa

MURUME ane makore 23 okuberekwa wekuChipinge akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi 12 mushure mekubatwa nemhosva yekunyepera kuve mushandi weZimbabwe Schools Examination Council (Zimsec) izvo zvakaona achibira vadzidzi vaida kunyora bvunzo mari inosvika $495 000 achivatengesera magwaro ebvunzo emanyepo.

Kudzai Chireya akamiswa pamberi pemutongi VaAlfred Chinembiri vedare reChipinge Magistrate Court nemhosva yehumbavha.

Anobvuma mhosva yake ndokutongerwa kugara mujeri kwemwedzi 12.

Akazobvisirwa mwedzi mitatu pachirango ichi nechitsidzo chekuti anofanirwa kuita hunhu hwakanaka.

Mimwe mwedzi mipfumbamwe yaive yasara, yakazosendekwa parutivi nechitsidzo chekuti anofondoka pasina muripo kwemaawa 350 pachipatara cheBirchenough Bridge.

Muchuchusi VaThulani Zondwayo vakaudza dare kuti munaGumiguru gore rino, Chireya akaronga zano rekubira vadzidzi vaida kunyora bvunzo dzeZimsec ndokugadzira group reWhatsApp.

“Pagroup reWhatsApp iri rinonzi MrPovo, Chireya aiudza vanhu kuti mushandi weZimsec uye kuti anogona kuvawanira magwaro ebvunzo dzeO neA-Level emunaGumiguru 2022 kusvika Mbudzi 2022.

“Chireya akazotora mifananidzo yemagwaro emanyepo aya nenharembozha yake. Magwaro ebvunzo acho aisanganisira reMathematics Paper One nePaper Two pamwe chete nereEnglish Paper Two.

“Kuti munhu akwanise kuwana magwaro aya, aifanira kubhadhara $5 000 iyo aitumira paEcoCash yake panhamba inoti 0785 588 968,” vanodaro VaZondwayo.

Vadzidzi vakawanda vaida kunyora bvunzo dzakasiyana vakabva vatumira mari yavo kuna Chireya.

“Ari kupomerwa mhosva uyu akatumirwa mari inosvika $495 000 kubva kune vanhu vakawanda iyo akashandisa kuita zvaanoda. Nyaya iyi yakazobuda pachena mushure mekunge vakuru veZimsec vaona kuwanda kwaiita nyaya dzekuburitswa zvisiri pamutemo kwemagwaro ebvunzo ndokuzomhan’arwa kumapurisa,” vanodaro VaZondwayo.

Nemusi wa29 Mbudzi, matikitivha echikamu cheCID Commercial Crimes Division muHarare vakabva vasunga Chireya.

“Vakamusecha ndokuwana nhare yake iyo yaive neumboo hwekutumirwa kwaaiitwa mari paEcoCash nevanhu vakabirwa. Hapana mari yakawanikwa,” vanodaro VaZondwayo.

Share This:

Sponsored Links