Obuda honye achifamba

06 Jul, 2014 - 06:07 0 Views
Obuda honye achifamba MERCY Karumbwana nemwana wake vachichema. — Mufananidzo: Memory Mangombe

Kwayedza

MERCY Karumbwana nemwana wake vachichema. — Mufananidzo: Memory Mangombe

MERCY Karumbwana nemwana wake vachichema. — Mufananidzo: Memory Mangombe

MUDZIMAI wekuDzivaresekwa 3, muHarare, ayaura zvikuru nechirwere chegomarara rechibereko icho chagodza zvekusvika pakubuda honye achifamba.
Sezvinonzi akaita dambudziko iri rekuzvisarudzira, murume wake akatomutiza ndokusara achitambura nekurwara uye kuchengeta vana.

Mai Mercy Karumbwana (31), avo vanogara panhamba 340A mumugwagwa waGora, havachakwanisa kusimuka nekufamba uye vanoti vanotobatsirwa nevavakidzani mumabasa epamba.

Vakaonekwa vaine gomarara remuchibereko gore rakapera ndokumbonopiswa kuchipatara cheWilkins asi hazvisi kubatsira.

Mai Karumbwana vakaudza Kwayedza kuti: “Ndakaonekwa ndiine gomarara rechibereko gore rakapera mushure mekumbogara kwemakore akawanda ndichingorwadziwa ndisingazive kuti chii. Ndinobuda honye kusikarudzi, ndine ronda guru risingapore.

“Dzinobuda kana ndikanonoka kugeza saka ndine mushonga wandakanzi nanachiremba ndigare ndichimwaya asi unodhura zvikuru. Wandinawo ndakatotengerwa nevane tsiyo nyoro.

“Ndakanzi kuchipatara cheWilkins ndiende kuHoward (kuChiweshe) kunobviswa chibereko ichi asi ndakashaya mari yacho kusvika nanhasi uno, handizive kuti ndichaiwana rinhi.”

Pamusoro pezvo, mudzimai uyu anoti anorwara nechirwere cherurindi icho ari kutonwira mapiritsi.
“Zvandiwandira, uku ndine TB ndichinwawo maARV. Ndine vana 4, mukuru achiita Grade 7 ane makore 15 okuberekwa, avo ndakabereka nemurume mumwe chete uyo akazonditiza aona ndave kurwara,” vakadaro.

Mai Karumbwana vanoti vane dambudziko guru pakuzvibatsira zvekuti vanotozesa.
Mudzimai uyu nemhuri yake vari kutorojerwa kamuri imwe chete yemba uye mwana wake ari kuita Grade 7 ari kubhadharirwa mari yechikoro nevane tsiyo nyoro.

“Izvozvi mumba muno hamuna kana chekudya zvacho, magumbeze nembatya dzekupfeka hatina, sipo nemafuta ekuzora hazviwanikwe. Tinorarama upenyu hwemhuka isingaronge ramangwana. Ndinokumbirawo rubatsiro, ini ndiri nherera. Kumusha kwangu kuMt Darwin, kwaChigango uye hakuna hama dzakasarako,” vakadaro.

Murume wemudzimai uyu, Reason Murwira, anonzi akamutiza mugore ra2002 apo akatanga kurwara.
“Taigara panhamba 469 mumugwagwa waNyagunyana kuDZ 2 apo ndakatizwa nemurume ndave kurwara.

Takaburitswa mumba nevaridzi vemba tashaya rendi ndokugara mumugwagwa apo takazonzwirwa tsitsi naMbuya Phiri ndokutipa imba pamba pavo kuno kuDZ 3. Takazobva pamba pavo tave kuuya pano,” vakadaro.

Mai Karumbwana vanoti kugara muguta imhaka yekuti ivo nemurume wavo havana kunge vakavaka kumusha kwake kwaChihota.

Vobvunzwa nekuda kwehama dzavo, vanoti havana kumbobvira vakarakidzwa hama dzakawanda nemurume uyu kunze kwatezvara naamwene avo vakashaika.

Kwayedza yakatombomira kutaura nemudzimai uyu apo akatanga kuchema pamwe chete nemwana wake mukomana mukuru nekuda kweshungu.

“Chinondinetsa imari yemabhazi yekuenda kuchipatara nekukiriniki. Handigone kufamba, ndinoda chingoro kubva pano pamba kana tekisi kunosvika pandinokwirira mabhazi,” vakadaro vachisvimha misodzi.

Kune vanoda kubatsira Mai Karumbwana vanogona kuridza nhamba dzenhare dzinoti 0775 080 088.

Share This:

Sponsored Links