Obudirira nechibage chemunyorondega

21 Oct, 2021 - 10:10 0 Views
Obudirira nechibage chemunyorondega

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURIMI wekudunhu raMambo Nemangwe, kuGokwe obudirira zvikuru nekurima chibage chemuchirimo nezvimwewo zvirimwa achiita zvekudiridzira izvo zviri kumupa raramo nemhuri yake.
VaLeonard Mabasa vanorima kunzvimbo yakatevedza mugwagwa weGokwe-Nemangwe- Binga uko vari kukohwa pakuru.

VaLearmore Jongwe (23), avo vanobatsirana nemurimi uyu mumabasa akasiyana, vanoti minda yavo vanoita yekudiridzira nemvura inobva muchibhorani vachishandisa simba remagetsi ezuva pakudhonza mvura iyi.

“Munda wedu wechibage wakatandavara yeka nechidimbu uyo une chibage chatumbuka. Tinovhurira mvura iyi kamwe chete kana kaviri pasvondo kuti chirimwa chedu chisatsve nekuti kuno kunopisa. Chinodiwa chete pachibage chedu kumwaiwa mishonga yerukonye nekuti chisabatire zvimwe zvirwere zvakaita segrey leaf spot,” vanodaro VaJongwe.

Vanoti nyaya yekusakura havana dambudziko nayo sezvo nguva zhinji vachimwaya mishonga yekuuraya sora vavanoti zviri nyore.

“Chirongwa chekurima tichidiridzira ichi tava nemakore tichichiita uye ndechimwe chezvishoma muno muGokwe. Tine madhamu madiki ari muno zvakare, kune vamwe vanorimawo vachidiridzira nemvura iyi,” vanodaro VaJongwe.

Chibage ichi vanoti vanochitengesa chiri chinyoro uye chinovapa mari zhinji.
“Panguva ino, chibage chinyoro chishoma saka chinotipa mari yakawanda,” vanodaro VaJongwe.
Vanotarisira kutanga kutengesa chibage ichi panopera mwedzi waGumiguru uye havana dambudziko nekwekutengesera sezvo vanhu vanouya voga nedzimotokari vachiita zvekuhodha.
“Tinorimawo zvimwe zvirimwa pamusoro pechibage zvatinoita zvekudiridzira zvinosanganisirawo matomatisi nederere,” vanodaro.

“Dambudziko ratinosangana naro nderemombe dziri kuregererwa munguva ino yechirimo, kureva kuti nguva zhinji tinorindira minda yedu kunyangwe mamwe mativi takaisa ruzhowa rwewaya,” vanodaro VaJongwe.

Kunze kwazvo, rimwe dambudziko guru vanoti ndere makororo sezvo munda wavo uri padyo nemugwagwa panodarika nevanhu vakawanda nekudaro vanoita majana ekurinda munda uyu usiku.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey