Ochemera mukadzi waakapa gupuro

03 Mar, 2020 - 12:03 0 Views

Kwayedza

Courtney Munodawafa

Mumwe mudzimai anoti murume wake anobva muHarare achienda kwaMutoko uko kwaari kugara achiendera kunomushungurudza achiti vadzokerana zvisinei nekuti ndiye akamupa gupuro.

Angeline Kanavete akamhan’arira McDonald Zvidzai Chinhoyi kudare reHarare Civil Court achikumbira gwaro redzviriro.

Kanavete anoti haadi kuona murume wake kubasa kwake zvose nekumba kwevabereki vake. Mutongi Tilda Mazhande akapa Kanavete gwaro rinomuchengetedza.

“Uyu murume wangu asi hatisi kugara tese. Tine makore 23 tiri tose nevana vedu vatatu. Takaregera kugara tose paKirisimasi yegore rapfuura. Dai dare randibatsira murume uyu aregera kuuya kubasa kwangu nekumba kwababa vangu kwaMutoko uko kwandave kugara sezvo achikonzeresa.

“Ngaasandishungurudza, kundituka nekundirova. Vana pari zvino vari kumbogara nababa vavo nekuti vakange vabhadharirwa mari dzekuchikoro kare, asi ndichazovatora,” anodaro.

Chinhoyi anoti hazviite kuti asaende kwaMutoko nekuti anoda kutaurirana nevabereki vemudzimai wake pamusoro pekunetsana kwavari kuita.

“Ndachinzwa chikumbiro chavo, asi handikwanise kuregera kusvika kwaMutoko nekuti pane nyaya. Takanetsana hongu, ndakatoronga kuenda kumba kwavo kuti tinotaurirana nababa vake. Handikwanise kusaenda zvakare kwaamai vake kuBorrowdale,” anodaro.

Kanavete anobva amugamha achiti murume wake anokwanisa hake kuuya kuzotaurirana nevabereki vake zvisinei nekuti akamupa gupuro.

“Kuti vauye titaurirane ngavauye havo, asi makore maviri apfura vakandirova vakandipa gupuro. Ndakazodzoka kumba nekuti amai vake vainge vanditengera tiketi kuti tiende kuIsrael, amai vangu vakabva vanditi enda kumurume wako.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey