Ochengera mukadzi asiri wake

21 Jan, 2023 - 04:01 0 Views
Ochengera mukadzi asiri wake

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MUDZIMAI anogara muHarare anoti aimbova murume wake ari kumuchengera zvekuita kunge chikwekwe naye apo anomutevera kuzvitoro uye kuuya kumba kwake achigogodza pagonhi pakati pehusiku izvo zvamushaisa rugare.

Primrose Maupa ataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court uko adhonzera Direct Chimwanza achida gwaro redziviriro.

“Chimwanza anogogodza pagonhi pakati pehusiku uye ndikasavhura, anotanga kundituka achiti mumba imomo munaani? Anobva atanga kundipomera kuti ndiri kuita chipfambi asi iye neni takasiyana,” anodaro Maupa.

Anoenderera mberi achiti: “Musi weKirisimasi, akandiona ndichifara neshamwari dzangu pazvitoro sezvo raive zuva rekufara nekuonana nevamwe ndokutanga kundituka pamberi pevanhu achiti ndiri pfambi, ndaitsvagei kuzvitoro manheru. Zuva rakatevera racho akauya mangwanani ndokutora mwana nechisimba ndokuzomudzosa apo akatumirwa masamanisi nedare.”

Chimwanza haana kuenda kudare.

Mutongi Tamara Chibindi vakapa Primrose gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>