Uncategorized

Ochengeta jira refuko remunhu akafa 2001

27 May, 2021 - 13:05 0 Views
Ochengeta jira refuko remunhu akafa 2001 Mambo Mutambara (kuruboshwe) vari padare nemamwe emakurukota avo

Kwayedza

Tendai Gukutikwa

MURUME wekwaMambo Mutambara, kuChimanimani, anonzi akatora jira refuko rehanzvadzi yake kubva mubhokisi raive nemutumbi wake uye ari kurichengeta kwemakore 20 adarika kubva paakashaya muna2001.

Titus Mandina anonzi akatora fuko rainge rakafugidzwa mutumbi wehanzvadzi yake mubhokisi apo wainge usati wavigwa.

Kusvika pari zvino, kwadarika makore 20 uye Titus anonzi anofamba nejira refuko iri kwose kwaanoenda.

Zvino mweya wehanzvadzi yake iyi unonzi wave kupfuka uchiti unoda fuko irori.

Pasi petsika dzekudunhu iri, vanhu vanofa vanovigwa vakaputirwa nejira jena rinonzi fuko.
Achitaura padare raMambo Mutambara svondo rapera, Charles Mandina, uyo anova mwana kunaTitus, anoti mweya watete vake uri kubuda mumhuri mavo uchiti unoda fuko iri.
“Aka hakazi kekutanga babamukuru Titus vachiita izvi. Vane tsika yekutora midziyo yevanhu vakafa kunyanya mafuko.

“Mweya yevanhu vakafa vemumhuri medu iri kupfuka ichitaura kuti vakatora midziyo nezvimwe zvinhu zvavo. Tinoshamisika zvikuru kunzwa kuti babamukuru vachiine fuko iri makore 20 tete vedu vavigwa.
“Hatizive kuti vari kurishandisa chii. Tete vakashaika vari kuuya zvakare kuhope dzedu vachida fuko iri,” anodaro Charles.

Nyaya iyi yakabuda pachena apo Charles amhan’arira Titus kudare raMambo Mutambara mushure mekunge vanetsana nenyaya yekurwira musha.

Izvi zvakabuda mudare iri apo Titus ainge adzinga Charles pamusha pababa vake achiti haasi mwana wedzinza remhuri yekwaMandina.

Mambo Mutambara vanorambidza Titus kudzinga Charles pamusha pababa vake.
Paitongwa nyaya iyi, vemhuri yekwaMandina vaipomera Titus kuti pose panofiwa, anoda kuwana nguva yaanopihwa kuti amboona chitunha ari oga.

“Pose panofa munhu mumhuri medu, Titus anotoona kuti munhu iyeye haavigwe asipo.
“Kana achinge ari kuHarare kana kwaMutare, akanzwa kuti kwafiwa mumhuri anouya nekukurumbidza obva akumbira kuti aone mutumbi wacho ari oga. Zvinotyisa asi hapana zvatinokwanisa kuita nekuti ndiye anomira sababa mumhuri,” anodaro.

Mambo Mutambara vanoti dare rinofanirwa kuziviswa kuti chii chinenge chichiitika apo Titus anoti anoda kuona mutumbi ari oga.

“Hatisati tatonga nyaya yefuko uye iye zvino vemhuri iyi vari kuti Titus anoita semunhu abatwa nemweya apo anoona mitumbi yehama dzake. Tinofanirwa kudzika-dzika nenyaya iyi kuti tizive chaizvo zviri kuitika,” vanodaro Mambo Mutambara.

Share This:

Sponsored Links