Oda kuramwirwa mukadzi ane runyoka

07 May, 2024 - 11:05 0 Views
Oda kuramwirwa mukadzi ane runyoka Maxwell Chikwiramakomo

Kingstone Mapupu

NYAYA yemukadzi anogara kuJ. Moyo Belapezi, kuEpworth — uyo ari kuzvimba dumbu uye achimbosanduka mimwe mitezo kuita semurume izvo zvaanoti zvinokonzerwa nekudanana kwaakaita nemurume wemunhu — yakwira mutanda sezvo vemhuri yake vakapotsa varwisana nevekumurume uyo anonzi ndiye akamupa runyoka apo vakasangana kun’anga yakapa mushonga uyu.

Muzvare Chiedza Samantha Chenai Luwizhi (29), uyo vasina kuroorwa, anoti akadanana nemurume waaishanda naye kuMagaba, kuMbare, Harare, inova nyaya yaanoti yakazozivikanwa nemudzimai wemurume uyu.

Anoti akadanana naMaxwell Chikwiramakomo (46) kubva mugore ra2021 uyo waaishanda naye uye akazoiswa runyoka nemudzimai wake, Memory Mondo (25) zvikakonzera kuti iye azvimbe dumbu zvekuita semunhu akurirwa nemimba.

N’anga yakagadzira runyoka urwu inonzi iri kuda muripo wemombe mbiri kubva kunaMuzvare Luwizhi kana US$800 neimwe US$200 yakabhadharwa nemudzimai wemurume uyu paakaenda achinotsvaga runyoka.

Muripo uri kudiwa kuti mukadzi uyu aroyonorwe hapana.

Chiyedza Luwizhi nevamwe vemhuri yake – Mifananidzo naTinashe Chitwanga

Izvi zvakaita kuti vemhuri yemudzimai uyu neyekumurume waaidanana naye vasangane kun’anga iyi svondo rapera pachiitwa dare rekuti dambudziko iri rogadziriswa sei.

Chikwiramakomo akataurira dare iri kuti akambomiswa basa kureva kuti haana mari yaidiwa yemombe mbiri kana shoma zvayo.

Mhuri yaMuzvare Luwizhi, iyo yaitungamirirwa nababa vake, VaKani Luwizhi (50), vakatiwo havana mari kunze kweUS$50.

Memory Mondo

Mondo akati anoda mari yake yakakwana iri US$200 iyo akanobhadhara kun’anga kuti apihwe mushonga werunyoka weku”sota” mukadzi wekudanana nemurume wake.

“Chiyedza akanditadzira kusvika pekupedzisira saka ndakaenda kun’anga kunotsvaga runyoka. Handisi kuda kuti afe asi ngaadzose mari yangu US$200 yandakabhadhara kun’anga kuti asunungurwe. Imba yangu yakazunguzika nekuda kwemunhu uyu achindituka, kana atadza ngaabvise US$100 chete wozopedzisa imwe,” anodaro Mondo.

Mai Ronester Nyamupfukudza (46), amai VaMuzvare Luwizhi, vakaedza kukumbira kuti mwanasikana wavo abatsirwe zvikaramba kutambirwa.

Vanhu vemhuri yaMuzvare Chiedza Samantha Chenai Luwizhi neyaMaxwell Chikwiramakomo vari mudare ren’anga – Mifananidzo naKingstone Mapupu

Dzimwe hama dzavo dzinosanganisira Mai Loveness Luwizhi (62) naVaMakani Luwizhi (50) vakaedzawo kukumbira zvikashayawo basa kusvikira vakazoti vava kuramwira mwanasikana wavo kunaChikwiramakomo.

N’anga iyi yakati inogona kubatsira murwere uyu kana chete mudzimai akatadzirwa, Mondo, abhadharwa mari yake.

Mushure mekunge dare iri raita mangange pasina chabuda, n’anga iyi yakazoburitsa vanhu ava vaisvika 14 mudare rayo ichi vanotaurirana panze.

Panguva iyi, Chikwiramakomo akabva atizira musango achisiya vamwe vose.

Vemhuri yaMuzvare Luwizhi vakazokwira kombi vodzokera kudzimba dzavo.

Share This:

Sponsored Links