Oda zvekumurume

28 Sep, 2018 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza

SARUDZA nhetembo imwe chete iri muna Rukuvhute yawakayemura. Zvino chijekesa zvawakayemura zvacho pamwe nezvidavado zvakashandiswa mairi.

Nhetembo yandakafarira inonzi Tete ndoenda. Nhetembo iyi ine dingindira rekurayira.

Ndinofarira nyanduri nekuti anobudira tete vake pachena kuti ave kuda kunogara nemurume atangewo yake imba sepaanoti, “Tete ndoenda, ndafunga kurukaka ndinotangawo yangu imba.”

Ndinoyemura detembo iri nekuti tete vanyanduri vanomurambidza vachida kunyatsonzwisisa kuti sei afunga zvekuenda kumurume sepavanoti, “Asi chimbondipindurawoka mibvunzo mishoma-shoma . . .”

Nhetembo iyi ndinoiyemura nekuti tete vanyanduri vanomubvunza mibvunzo yakakosha asati aenda kunotanga imba yake sepavanoti, “Une chokwadi here kuti murume wacho anokuda?”

Chinondifadza munhetembo iyi ndechekuti nyanduri ane chokwadi chese chekuti murume waanoda kuroorwa naye anomuda sepaanoti, “Tete izvozvo musambotya. Farai anondida chose.”

Chandinoyemura mudetembo iri imbatya neshangu dzakanaka zvinopihwa nyanduri nemukomana wake sepanonzi, “Mazuva ese apera aindipa twakawanda-wanda. Hembe dzetererini uye shangu dziya dzemaposa.”

Ndinoyemura dzidziso inopihwa nyanduri natete vake asati aenda kumurume yekuti hazvisi zvese zvinoitwa nemunhu zvakafanana nekutengerwa mbatya zvinoratidza kuti anokuda sepanonzi, “Hauzivi kuti zino irema? Usapofomara mwanasikana!”

Tinopedzisa mhinduro yemubvunzo uno svondo rinotevera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey