Odzinga vana vemurume

01 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
Odzinga vana vemurume

Kwayedza

Nyasha Bvudzijena

MUMWE murume anoti mudzimai wake akadzinga vana vake vaakaita nemukadzi wake anove mushakabvu achida kuti agare nevake vaakauya navo.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Chengeto Tawadiri akamhan’arira Cairo Makaripe achiti ari kugara achimurova nekumutuka.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Tawadiri gwaro redziviriro.

“Changamire, ini murume wangu ari kundirova nekundituka pose pandinodawo kuti ndimupe mazano ane chekuita nemusha wedu. Anoti handina simba rekumuudza zvekuita nekuti ndakawana musha uripo,” anodaro Tawadiri.

Anoti murume wake ari kumudzinga pamba uye anoda kuti abvise zvose zvaakuya nazvo mumusha nekuti ave kuda kumbogadzira zvechivanhu zviri pamusoro pemukadzi wake akafa.

Makaripe anopikisa chikumbiro ichi achiti mudzimai wake haana kubvira akagona kutaura chokwadi.

“Mai ava vagara murevi wenhema asi nyaya chaiyo yanetsa pakati pedu ndeyevana vangu vavakadzinga pamusha kuti ivo vasare nevana vavo vavakauya navo,” anodaro Makaripe.

Anoti Tawadiri aigara achingonetsa kuti vana vabve pamba vanogara kwambuya vavo saka akazotora mukana wepaakange afamba nebasa akavadzinga.

“Vana vangu vari musango izvezvi uye zviri kundibaya pamoyo saka ndakati aende hangu pane kuti mhuri yangu itambure nekuda kwake,” anodaro Makaripe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey