Odzingirirwa nevanhu vaanona iye oga

17 Feb, 2025 - 09:02 0 Views
Odzingirirwa nevanhu vaanona iye oga Joseph Jameson

Kingstone Mapupu

MUNYAYA inoita sebhaisikopo kana kuti firimu, murume wepadzimba dzemudurikidzwa dzeMatererini Hostels kuMbare, muHarare ava kugara akavanda mumba sezvo achiti ari kuda kuuraiwa nevanhu vanomudzingirira nemotokari nemidhudhudhu avo anoona iye woga.

Joseph Jameson (37), uyo anogara naamai vake,

anoti anoona vanhu vanenge vaine mudungwe wedzimotokari nemidhudhudhu vachimudzingirira vachida kumuuraya nekumutora mifananidzo.

“Ndine vanhu vandinoona ndikangobuda panze ndichida kuita basa rangu rekutakura zvinhu nechingoro changu. Vanouya nemotokari ina chena nenhema mbiri uyewo  nemidhudhudhu votanga kundidzingirira vachida kunditsika nekundirova vachinditora mifananidzo. Ndinobva ndatanga kutiza nekune vanhu kuti vandinunure asi pandinotaura nevanhu vanotaura kuti vanhu ava havavaone kunze kwangu chete,” anodaro Joseph.

Anoti akatombotizira kumapurisa akanomhan’ara nyaya iyi vakauya naye kunzvimbo yaaiona vanhu ava asi mapurisa vakatadza kuvaona.

“Ndakambonotsvaga rubatsiro kumapurisa nekuda kwevanhu vanondidzingirira ava, mapurisa vakauya vakataura kuti havana chavaiona. Vamwe vava kunditi ndava kupenga, vamwewo vachiti ndinotora zvinodhaka zvakaita semutoriro nembanje nezvimwe. Ini handipenge uyewo muupenyu hwangu hwese handitore zvinodhaka. Handizive pamwe ndizvo zvinonzi zvikwambo here kana kuti zvidhoma zvandinoona,” anodaro Joseph.

Murume uyu, uyo akatizwa nemudzimai nekuda kwenyaya iyi, anoti akatosiya basa rake rekutakura zvinhu nechingoro nekutya vanhu ava.

“Ndinogara naamai vangu nemuzukuru avo vaiwana chekudya nezvimwe kubva mubasa rangu rechingoro. Muupenyu hwangu handina chandakambobata chingaite kuti ndifungire kuti ndakaromba,” anodaro Joseph.

Anoti dambudziko iri rakatanga pakashaika mukoma wake, Simba Bhuru Jameson, nemusi wa4 Chikunguru gore rakapera akanovigwa kumakuva ekuMbudzi muHarare.

“Pakashaika mukoma wangu uyu, sezvo taiva tasara tiri vatatu kubva pavana gumi vatakaberekwa tiri, ndipo pandakabva ndatanga kuona vanhu vanondidzingirira ava. Handizive kuti zvine chekuita here naiye mufi uyu kana kuti pane vamwewo vavengi mukati, hamheno,” anodaro Joseph.

Mai Clarah Kabutu (45) vanogara kuEpworth vanova hanzvadzi yaJameson vanoti vatambura semhuri nehurwere hwehanzvadzi yavo iyi.

“Hanzvadzi yangu anomhanya kutiza vanhu vaanoti vanoda kumuuraya isu hativaone asi iye woga ndiye anovaona. Anoti vanenge vakawanda vaine motokari nemidhudhudhu, haana kumbobvira akanwa doro, kuputa mbanje kana kurasa njere nekuti munhu watinogara naye. Tinonzi kuroiwa kwatinofamba, pamwe ichinzi ingozi,” vanodaro Mai Kabutu.

Vanoti dambudziko rake iri rakatanga pakashaika imwe hanzvadzi yavo ndokusara vangova vaviri chete pavana vaiva gumi.

“Hanzvadzi yangu Simba Bhuru Jameson akangonzi abatwa TB ndokumbogara kuchipatara achibva azofa nemusi wa4 July gore rakapera. Mushure memazuva mashoma, Joseph akabva atanga kurwara achizvimba matadza. Ipapo akatanga kutaura kuti kune vanhu vane motokari nemidhudhudu vaimumhanyisa kunyangwe isu tisingavaone uye nanhasi zvakangodaro,” vanodaro Mai Kabutu.

Vanoti vamwe vavo ava vasere vakafa kubva muna1996 kusvika gore rapera.

“Tapera kufa mufunge, kumwe tinonzi ingozi mamwewo maporofita achiti kuroiwa. Taiva vana gumi asi kubva gore ra1996 kusvika izvozvi kwafa vana vaamai vangu vasere, tangosara vaviri chete ini naiye Jose ari kumhanyiswa nezvaanoona woga uyu. Pamusoro pemitumbi 8 iyi yatakanoviga kuMbudzi, pane mitumbi yevazukuru mitatu yakavigwawo kuMbudzi kubva mugore ra1996 kusvika izvozvi. Kureva kuti tine makuva 11 kuMbudzi, baba vakafa tangosarirwa naamai chete,” vanodaro Mai Kabutu.

Vanoti chava kunetsa kuhanzvadzi yavo iyi akada kuenda kuchimbuzi anoti anowana akagarirwa nevanhu ava vachimurambidza kuzvibatsira.

“Joseph Jameson ava kugara akazvivharira mumba akarara nekutya vanhu ava vaanoti vanomudzingirira uyewo kuenda kuchimbuzi anotya achiti ari kuvaona vakamugaririra ikoko vachiti asazvibatsire,” vanodaro Mai Kabutu.

Amai vaJoseph, Mbuya Alice Jameson (80), vanoti vapererwa nezano nekuda kwekufirwa nevana uyewo nedambudziko remwanakomana wavo uyu.

“Handichina zano, vana vangu vasere ndakacherera pasi nevazukuru vatatu zvino ndichachengetwa naniko? Mukomana wandasara naye aindiriritira anotiwo anogara achidzingirirwa nevanhu vaanoona woga haachakwanisa kuita basa saka tava kufa nenzara. Ndinoda kubatsirwa kuti dambudziko iri ripere,” vanodaro Mbuya Jameson.

Ngonidzashe Jameson (28), muzukuru wemhuri iyi, anoti anongoona sekuru vake Joseph vachiuya kumba vachimhanya vachiti vari kudzingirirwa nevanhu vane motokari nemidhudhudhu.

“Ndikabuda vanhu vacho nemotokari dzacho nemidhudhudhu hatizvione, ndinotombovaperekedza vachida kuita mabasa avo apo vanonditaurira kuti vanhu vaye vari kutevera,” anodaro Ngonidzashe.

Share This:

Sponsored Links