Ofemeswa moto nechikwereti chemendenenzi

30 Dec, 2024 - 10:12 0 Views
Ofemeswa moto nechikwereti chemendenenzi Dare

Muchaneta  Chimuka

MURUME wekwaSeke wekuregedza kubhadhara chikwereti chemendenenzi cheUS$350 ozvidemba zvichitevera kutemerwa kwaakaitwa chirango nedare reChitungwiza Magistrate’s Courts chekuti abhadhare mari iyi musi wa15 Ndira, 2025 usati wasvika uye kukundikana kwake achagara mujeri kwemwedzi mumwechete.

Tapiwa Mukono (37) wemubhuku raCharigwati kuMayambara, kwaSeke akamiswa pamberi pemutongi Sheunesu Matova.

Muchuchisi Tendai Ruwocha vakaudza dare kuti  nomusi wa27 Zvita 2023, Mukono akamiswa pamberi pedare rimwechete iri nemhosva yekusachengeta vana vake vaviri vanoti ane makore gumi neane gumi nematatu okuberekwa.

Akabva apihwa chirango chekubhadhara mendenenzi yeUS$80 pamwedzi asi haana kuzadzikisa izvi zvinova zvakazomusiya aine chikwereti cheUS$350 kusvika parizvino.

Izvi zvakaona aimbove mudzimai wake, Meleficious Chibundu (28), achinomhan’ara nyaya iyi kumapurisa zvakaita kuti asungwe.

“Mhosva yandiri kupomerwa ndinoimbvuma,” anodaro Mukono.

Share This:

Sponsored Links