Kwayedza

Ofemeswa nemunin’ina waakaunza pabarika

Orpah Mukotekwa
MUKADZI wekutora munin’ina kuti aroorwe nemurume wake mushure mekunge iye atambura kuti abate mbereko, akaigochera pahutsi sezvo akazonopotera kudare apo ainge ooneswa moto nanyachide uyu.

Alice Milanzi akamhan’arira Chengetai Marosa kuHarare Civil Court mushure mekunge afemeswa nemunin’ina wake uyu.

“Changamire vangu, munin’ina wangu ari kundishayisa mufaro. Ndauya kuno kudare kuti mundibatsirewo negwaro rinoita kuti pave nerunyararo pakati pangu naye sezvo tava kutadza kugarisana zvakanaka,” akadaro Milanzi.

Akati Marosa ava kumushungurudza achitora mukana waakamupa kuti aitire murume wake mwana mushure mekunge iye ashaya mbereko.

“Mushure mekunge ndaona kuti imba yangu ingaparare nekushaya mbereko, ndakanotora munin’ina wangu kuti aroorwe hake nemurume wangu sezvo ndaisada mutorwa pamba pangu. Ndakatozoona kuti tsitsi dzinotsitsira chokwadi, ndokusaka zvichinzi ukarera imbwa nemukaka mangwana inofuma yokuruma.

“Ndaifunga kuti ndiri kuitira mwana waamai vangu zvakanaka izvo ndaitozvipinza mukanwa memapere,” akadaro Milanzi.

“Munin’ina wangu anonditukirira nezvinonyadzisira pamberi pevana. Haana kana matyira ekuti ndiri mukoma wake, ndini ndatova muvengi wake.

“Anoudza murume wangu kuti ndakaipa achizviitira kuti murume asazombondicheuke, kutaura kuno ndangova munhu akangogarawo, handisisina kodzero dzangu semunhu ane muchato nemurume. Ava kundiona sembwa pamba pangu.

“Anoshandisa midziyo yangu pese paanodira. Ndini ndakatenga ndega midziyo iyi asi anondishungurudzira zvinhu zvangu. Ndingasvika kupi ndichibatwa nekuseri kweruwoko kudai pamba pangu?

“Chikumbiro changu ndechekuti munin’ina wangu uyu abve zvake pamba pangu zvekuti achaenda kunogara kupi handinei nazvo. Midziyo yangu yese yaari kushandisa ngaasiyane nayo uye zvinhu zvangu zvandakashandira hapana kana chake.”

Marosa akabvuma mhosva yaaipomerwa naMilanzi.

“Sisi vangu ndiri kunetsana navo nenyaya yekuti havadi kuti murume anditengerewo midziyo yangu. Anonyengera murume achiti anofanira kuvateerera sezvo ari iye vahosi uye anoti vakachata.

“Ini handioni chandinokanganisa nekuti ndivo vakandidaidza kuti ndivaberekere mwana nemurume wavo,” akadaro Marosa.

Mutongi Tafadzwa Muvhami akapa gwaro redziviriro kuna Milanzi akati Marosa haachabvumirwa kusvika pamba pake pamwe nekumushungurudza.