Uncategorized

Ofondokera kuba chidhori cherudo

12 Apr, 2019 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Fortunate Gora ari kuCHINHOYI
MURUME wekuRaffingora — wekuba chidhori chemumwe mukadzi icho anoshandisa kuzvifadza pabonde pamwe chete neUS$200 — akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi gumi nemina nedare reChinhoyi Magistrate Court.
Mutongi wedare iri, Brenda Dhliwayo, akabvisira Tinotenda Paul (19) — uyo anogara paMission Vlei Compound, kuRaffingora — mwedzi mina pachirango ichi paine chitsidzo chekuti haapare mhosva yerudzi urwu zvakare mukati memakore mashanu anotevera.

Mimwe mwedzi mina yakasendekwa padivi nechitsidzo chekuti anofanirwa kubhadhara US$200 iyo akabira mumhan’ari.
Mutongi Dhliwayo akabvisa mimwe mwedzi yose yakange yasara Paul ndokunzi anofondoka pasina mubhadharo achishanda pakiriniki yokuRaffingora kwemaawa 210.

Muchuchusi Tinoziva Chipuriro anoudza dare kuti nemusi wa9 Kurume gore rino munguva dzemasikati, Merjury Kanyumbu — uyo akanga asiiwa akachengetedza imba yaGladies Muzulu anoshanda semurairidzi paMission Vlei Primary School – akaenda kunoongorora pamba apa kuti aone kana paive pakachengetedzeka.

“Achisvika pamba apa, akasvikoita mahwekwe naPaul ari mumba umu apo aiva mushishi kuba zvinhu zvaMuzulu uyo akange aenda kuHarare. Kanyumbu akatoshamisikawo kuti Paul akanga apinda sei mumba umu sezvo ari iye aive nemakiyi epamba apa,” anodaro.

Muchuchisi Chipuriro anoti Paul paakaona kuti ainge asvikirwa ari mumba umu, akaedza kuhwanda kuseri kweketeni.
Paul akazokwanisa kuvhiringidza-vhiringidza Kanyumbu kusvika atiza mumba umu.

Mumwe mupurisa weneighbourhood watch committee anonzi Itai Valeta ndiye akazochaya nhare kuna Muzulu achimuudza zvakange zvaiitika

“Muzulu akabva adzoka kubva kuHarare kwaakange aenda ndokuona kuti akange abirwa US$200, vibrator (chidhori chebonde) uye nhare yake yemhando yeG-mobile tablet iyo yakanga yatsemurwa-tsemurwa. Pazvinhu zvose zvakabiwa izvi hapana chakawanikwa,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links