Ofondokera kuba mari yedoro

06 Jan, 2025 - 10:01 0 Views
Ofondokera kuba mari yedoro Chitungwiza Magistrates' Courts

Muchaneta Chimuka

MUDZIMAI wekuChitungwiza wekubira mushandirwi wake US$409 iyo aitengesa doro mubhawa ozvidemba zvichitevera kutemerwa kwaakaitwa chirango chekugara mujeri kwemwedzi 12 iyo yakazosendekwa yose parutivi paine zvitsidzo zvakasiyana-siyana.

Chiedza Musendami (29) wekuUnit M, kuChitungwiza akanga ari muchizarira nemwana wake akamirira kutongwa kwenyaya iyi.

Akabira mushandirwi wake, VaBatanai Makaza (39), vanoshanda kuZimbabwe Republic Police (ZRP).

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrates Court, VaAlois Midzi, vakamupa chirango chekugara mujeri kwemwedzi 12 asi vakazomubvisira mwedzi mitatu nechitsidzo chekuti haafaniri kupara imwe mhosva yerudzi urwu makore mashanu asati apfuura.

Vakaenderera mberi nekumubvisira mimwe mwedzi mitatu nechitsidzo chekuti anofanira kuripira mumhan’ari mari yake yese yaakarasikirwa nayo.

Pamwedzi mitanhatu yainge yasara, vakamuti anofondoka kwemaawa 210 paSeke Primary School, muChitungwiza mekare.

Muchuchisi VaMalvin Mwendera vakaudza dare kuti pakati pa17 Mbudzi na24 Zvita gore rapera, Musendami aiita katsika kekubira mushandirwi wake mari yedoro raainge atengesa.

Aishandisa hutsotsi hwekusiya avhara mabhodhoro anenge asina doro achimaita seachine nedoro richiri kuda kutengeswa obva atora mazuva ake ekunozorora.

Izvi zvakazoonekwa nevamwe vashandi vemubhawa umu avo vaisara vari panzvimbo yake vachibva vakwenyera mushandirwi wavo.

Zvichitevera chiitiko ichi, VaMakaza vakatanga kuverenga mabhodhoro edoro pese paichinjanwa basa pakati pevashandi apo vakaona kuti Musendami akanga achiri kuenderera mberi nekatsika kekuvaverengesa makireti emabhodhoro ainge asina doro achimaita seane doro.

Mukati menguva iyi, vakaita ongororo yedoro rose raitengeswa mubhawa ravo (stock taking) ndokuona kuti  makireti 22 uye mabhodhoro edoro madiki mapfumbamwe akanga asina doro zvisinei nekuti Musendami ainge amasiya achiti ane doro.

VaMakaza vakarasikirwa neUS$409 kuburikidza nehumbavha uhwu uye hapana chakaburwa.

Musendami akatongwa nemhosva yekuba midziyo yaainge akachengeteswa (Theft of Trust Propert as Defined in Section 113 (2) (d) (b) of the Criminal Code).

Akabvuma mhosva yake pasina kundandama.

Share This:

Sponsored Links