Uncategorized

Ofurufushwa nechipoko chababa

06 Dec, 2019 - 00:12 0 Views
Ofurufushwa nechipoko chababa Tapiwa Tafirenyika

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUKOMANA wekwaGutu, kuMasvingo, anoti asvika pakupata musha mushure mekuoneswa pfumvu nechipoko chababa vake avo vakashaika mumwedzi waGunyana gore rino.

Tapiwa Tafirenyika (25) – wemubhuku raGasva, kwaMambo Magombedze – anoti angosara ari oga mumhuri yavo zvichitevera kushaika kwakaita hanzvadzi yake, munin’ina uye baba vake mumwedzi waGunyana asi vose vachingosiyana nemasvondo pamafiro avo.

“Handina mufaro, ndangosara ndiri ndoga. Amai ndivo vakatanga kufa netsaona gore rakapera apo vaibva kurufu kuChitungwiza vari mumota yababamudiki. Vakafa vose ipapo nababamudiki.

“Gore rino mumwedzi waGunyana, kwakaita mitumbi mitatu inoti wababa vangu, munin’ina nehanzvadzi, vose vakafa vakatevedzana asi vasina kurwara,” anodaro Tafirenyika.

Mukomana uyu – uyo asati aroora – anoti baba vake vakangofa vachiti vairwadziwa nemusoro uye munin’ina wake ndokufa achipupa furo mukanwa.

Hanzvadzi yake inonzi yatangawo kurasika njere ikazongotetereka kubva pamba ndokuzonhongwa akafira musango.

“Munin’ina ndiye akatanga kufa, baba ndokutevera mushure memasvondo maviri.

“Hanzvadzi yangu yaigara kuSouth Africa akauya kunhamo yevanhu vaviri ava akabva asvikotanga kurasika njere ndokutiza pamba.

“Mutumbi wake takazounhonga mudondo.

“Dambudziko ravapo nderekuti ndiri kuona baba vachifamba mumba vachibaka moto, vozopinda mumba mavo.

“Saka ndakatiza kumusha nemusi weSvondo wadarika ndikauya kuno kuHarare kuzotsvaga rubatsiro,” anodaro Tarirenyika.

Anoenderera mberi: “Pekutanga, vanhu vatatu ava vafa zvinoshamisa, ndakatanga kunzwa mazwi muimba yekubikira ndokuona makakuhwidzwa moto husiku.

“Vanhu vaitaura umu vaisanganisira mazwi echidzimai nevarume asi izwi rababa vangu ndiro raiva pamusoro.

“Ndakatiza ndokuenda kuvavakidzani ndikazodzoka mangwana acho ndikawana mumba umu musina kumbokuhwidzwa moto uyewo dhoo rakakiiwa.”

Anoti kubva ipapo akatanga kuona baba vake vachipinda mumba kunyangwe makakiiwa vakapfeka mbatya dzavakavigwa nadzo, mumba mobva matanga kubvira moto.

“Baba vanouya, vopinda nemumba mandinorara umo vanobatira kuita mwenje, muviri wavo wose unobvira moto.

“Vanobva vapinda muimba yavo yavairara, moto uyu wobva wadzima,” anodaro Tafirenyika.

Anoti akamboedza kunobatsirwa kuBuhera uko akanosangana nasekuru vake – baba vababa – vakamutuka kuti aitsvagei kumaporofita

Tafirenyika anoti akamboenda kune imwe n’anga uko akanosangana zvakare nasekuru vake.

“Nyaya yave kundityisa ndeyekuti sekuru vari kunditi hauna zvaunondiita, uri mwana mudiki.

“Mbatya dzamai vangu hadzina kugovewa asi dzakatorwa nagogo (amai vababa) uyewo dzevamwe ava dzakagovewa asi nyaradzo haina kuitwa.”

Tafirenyika anoti nguva zhinji anopoya nepahwindo kana chipoko ichi chapinda mumba onorara kumamana.

“Ndafamba kwakawanda nekuda kwekufa kwakaita vemumhuri yangu uyewo nekumuka kwechipoko chababa. Kuri kungobatwa hama dzangu dzepadyo mudzimai nemurume.

“Ndakazofunga kutiza apo ndakamuka na3 mangwanani ndikanokumbira bhazi rakandisvitsa kuno kuHarare,” anodaro.

Hama dzaamai vake anoti dziri kuMalawi kunova kumusha kwavo uye baba vake vaiva vakaberekwa vari vaviri chete nemunin’ina wavo uyo akafa mutsaona pamwe chete naamai vake.

 

Share This:

Sponsored Links