OGERWA VHUDZI NEBANGA… Uku achironhwa nemugoti… Uku achibhutsurwa… Hanzi nekuti anomunyeya

26 Jun, 2020 - 00:06 0 Views
OGERWA VHUDZI NEBANGA… Uku achironhwa nemugoti… Uku achibhutsurwa… Hanzi nekuti anomunyeya Mai Precious Taru

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) anoti ari kuferefeta nyaya yevhidhiyo riri kutenderera richiratidza mudzimai ari kurova mumwe musikana nemugoti kudzimara watyoka, ndokuzomugera kana kumucheka vhudzi rake nebanga achimupomera kuti ane makuhwa uye anomunyeya.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti zviri kuitika muvhidhiyo iri zvinosuwisa zvikuru.

“Semapurisa eZimbabwe Republic Police, tiri kuferefeta nyaya yemudzimai ari kubuda achirova mumwe mukadzi nemugoti kusvikira watyoka achimupomera kumunyeya. Mudzimai uyu anozoshandisa banga kuchekesa vhudzi mumusoro mewaari kurova uyo asingamudzosere,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Mukadzi ari kurudyi anobuda pavhidhiyo achirova mumwe wake agere pasi nezvibhakera nemugoti uye kumugera vhudzi mumusoro make nebanga.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tinokurudzira veruzhinji kuti kana vakasangana nekushungurudzwa kwakadai vamhan’are kumapurisa nekukasika kuti vapari vemhosva vasungwe. Tinokumbira mudzimai ari kurohwa uyu kuti amhan’are kumapurisa ari pedyo naye uyewo kana pane vangava neruzivo rwenyaya iyi kuti vabatsire mukusungwa kwemukadzi uyu.

“Hatina mhosva dzinonzi dzinorova, vanhu vanosungwa vachipihwa zvirango zvinokodzerana nemhosva dzavo.”

Muvhidhiyo iri, mune mukadzi anonzi “Thandi” uyo ari kuzvambaradzwa kurohwa nezvibhakera achikaviwa nemakumbo mumusoro nemumwewo mukadzi apo iye agere pasi akapfeka masiki nhema uye asingadzosere kana kuedza kutiza.

Kunze kwekurohwa, anogumisira akatanurwa mbatya  achingorohwa bedzi.

Mumwewo mukadzi anonzwika achikuzirira ndokuzoudza nyakurova kuti achimuregerera sezvo akuvara zvakanyanya.

“Ndakambokunyeya here since ndichikuziva? Ndoda kukudzidzisa chinhu chinonzi life, handisati ndambokunyeya, une makuhwa sitereki. Ndoda kuti mapurisa acho auye pano apa nhasi. . .” anodaro mukadzi ari kurova mumwe muvhidhiyo iri apo anenge achimubvisa hembe.

Nyakurohwa haana chaari kutaura kana kupindura kunze kwekungoedza kuzvivhara kumeso apo mbama, zvibhakera nemugoti zviri kuita kunaya mumusoro.

“Tora vhidhiyo ndoda kutoti zvizare. . .anondizaiza uyu. Ndakamutadzira chii musikana uyu? Ndikudhedhe izvozvi nebanga, ndikudhedhe kana uine nharo.”

Mukadzi wekumboita seanokuzirira anonzwika achiti, “Aiwa usamudhedhe, unosungwa. Chimuregera akuvara.”

Ipapo mukadzi wekurova mumwe, uyo anoshandisa ruboshwe, anenge achigera musikana uyu vhudzi rake refu nebanga.

Votaura nezvenyaya iyi, Mai Precious Taru  avo vanova director kuMusasa Project  vanoti vanorwadziwa zvikuru kuona vhidhiyo rekurohwa kwemusikana uyu.

“Isu seMusasa Project tiripo kudzivirira vanhu vose zvavo kubva mumhirizhonga yemudzimba.

“Mudzimai ari kurohwa uyu tinoti ngaamhan’are kumapurisa munhu uyu asungwe. Zimbabwe inyika ine mutemo, vanofanirwa kusungwa amai ava,” vanodaro Mai Taru.

Nzvimbo yakaitikira nyaya yekurohwa kwemudzimai uyu haizivikanwe kuti ndekupi izvo Mai Taru vanoti veruzhinji vane ruzivo nezvayo vanofanira kubatsira kuburikidza nekumhan’ara kumapurisa.

“Hatizive, dzimwe nguva kushungurudzwa kwemusikana uyu kuri kufambira mberi nekuti zvinoratidza kuti vanhu ava vanogara pamwe chete, saka zvinoda kuti zvipedzwe,” vanodaro.

Vanoti kubva pakatanga vanhu kugara kudzimba nekuda kweCovid-19, nyaya dzekushungurudzwa kwemudzimba dzawanda zvikuru.

“Zuva roga-roga kuri kuuya vanhu, vamwe vakakuvara nekurohwa nekuitwa zvakawanda uye vamwe vari kubatwa chibharo.

“Tinoti vanhu ngavamhan’are nyaya idzi kumapurisa,” vanodaro Mai Taru.

Share This:

Sponsored Links