Uncategorized

Ohayisa mukadzi kumumwe murume

15 Oct, 2020 - 11:10 0 Views
Ohayisa mukadzi kumumwe murume Daniel Masikati aina Tafadzwa Matura

Kwayedza

Dillon Sisimayi ari kwaMUTARE

IMBOZVIFUNGAWO izvi. Unopota uchipa mudzimai wako wemuchato, amai vevana, kumumwe murume kuti aite madiro naye. Kuti zvizodini? Kuti iye azokupa doro nemari!

Iyi ingaiite senyaya yemubhaisikopo, asi ndizvo chaizvo zviri kuitika zuva rakacheka nyika kunzvimbo yekwaChipendeke, kwaMutare, uko kune murume “anohayisa” mudzimai wake waaine vana vanomwe naye kuna babamukuru vanove murume wemukoma wake uyo akashaya.

Mudzimai uyu, Tafadzwa Matura, vabereki vake nemurume wacho waakapihwa — Daniel Masikati — vose vanotsinhira mashura aya.

Zvisinei, murume wemudzimai uyu — Anthony Kabanda — anoramba nyaya iyi achiti Masikati akatora mukana wekuti iye murombo, ndokudanana nemukadzi wake.

Nyaya iyi yatova mudare raMambo Zimunya.

Kwayedza inoshanyira nzvimbo yeChipendeke ndokuwana Matura achinanaidzana murudo rwunopisa naMasikati masikati machena.

Anoti Kabanda ndiye akaronga nyaya yose yekuti iye adanane nababamukuru vake.

“Masikati ainge akaroora mukoma wangu. Mushure mekunge kwapera gore, mukoma wangu ashaya, Kabanda akati anoda kundihayisa kuna babamukuru vangu kuti ivo vagopota vachitibatsirawo. Akati hurombo ndihwo hunomutuma kuita izvi sezvo taitambudzika kuwana chikafu chevana nekuvaendesa kuchikoro.

“Pasi pehurongwa uhu, Kabanda akawirirana naMasikati kuti ndaizove mukadzi wake kubva nenguva dza10 husiku kusvika na3 kana na4 dzemambakwedza. Vakawirirana kuti babamukuru vaizotipa mari, girosari, kubhadharira vana mari dzechikoro pamwechete nedoro. Taita izvi kubvira 2017 uye upenyu hwangu hwave nani kana ndichienzanisa nakare,” anodaro Matura.

Anoenderera mberi: “Masikati murume chaiye, anondipa rudo rwakadzama uye anondichengeta semudzimai zvakanakawo. Anogona zvakare pakundipa bonde.

“Ari kundiitira nekundipa zvandinoda zvose — kusanganisira kunditengera zvipfeko zvemukati izvo Kabanda aitadza kunditengera.”

Anthony Kabanda

 

Masikati anoti ari kufadzwa neupenyu zvikuru zvichitevera rudo rwuri kupisa pakati pake namainini Tafadzwa.

Anoti Kabanda paakauya nepfungwa yekuti vapote vachichinjana mudzimai, iye akazvitambira nemaoko maviri sezvo aisurukirwa nekugara oga zvichitevera kufa kwemudzimai wake.

“Pakutanga, Kabanda aiperekedza mudzimai wake kwandinogara husiku hwoga-hwoga. Izvi zvakaitika kanokwana katanhatu kusvikira akazonditi ndinofanirwa kuita semurume chaiye, ndokundikurudzira kuti ndipote ndichienda kunotora mukadzi uyu kumba kwake.

“Nguva dzakawanda, mukadzi nemurume vaiuya pamusha pangu kuzotora girosari nemari. Dzimwe nguva ndaipa Kabanda mari yekutenga doro.

“Zvisinei, zvinhu zvakazotanga kusafamba zvakanaka pakutanga kwegore rino apo Kabanda akati ndinofanirwa kumupa mombe, asi Tafadzwa ndokusawirirana nazvo. Akati Kabanda akange asina kubvira abvisa kana kobiri zvaro seroora kuvabereki vake, saka hazvaikodzera kuti apihwe mombe,” anodaro Masikati.

Anoenderera mberi achiti, “Kusawirirana uku kwakaita kuti Tafadzwa ataure nyaya iyi kuvabereki vake, gure iri ndokubva rabuda pachena.”

Anosimbisisa kuti haana kutora mukana wekuti Kabanda anotambura kuti azodanana nemudzimai wake.

Achipawo divi rake, Kabanda anoti achaona zvekuita naMasikati, Matura pamwechete nemadzitezvara ake avo vakatsigira kuti hurongwa hunoshamisa kudai huvepo.

“Ndekupi pasi pano kwawakambonzwa manenji akadai?

“Masikati akatora mukana wekuti ndiri kutambura ndokundirwadzisa zvakadai. Taive takaronga kuti ndive mufudzi wake wemombe iye achindibhadhara. Hatina kumbowirirana kuti atore mudzimai wangu ndichiita zvekumuhayisa.

“Ndinoshorawo mudzimai wangu nekuti aifanirwa kuziva zviri nani,” anodaro Kabanda achiratidza kushungurudzika kukuru.

“Ndakazoziva kuti vaviri ava vanodanana nemakuhwa, asi ndinokuvimbisa, panotofa vanhu chete. Vakanganisa upenyu hwangu zvikuru pamwechete nehwevana.

“Ndichatsvaga zvekuita, kunyangwe zvikareva kuti ndichavatandidzira rushambwa. Ndiri murombo, asi vanhu havafanirwe kutora mukana uyu.

“Vanatezvara vangu vanoziva nezvekudanana kwevaviri ava. Masikati aitotengera ambuya vangu mushonga wekurapa chirwere chavainacho,” anodaro Kabanda.

Mbuya Jiri — avo vanova amai vaMatura — vanoti vakazoziva nezvenyaya iyi apo mwanasikana wavo akaudza mukoma wake kuti Kabanda ainge amupa kune mumwe murume.

“Tafadzwa akati hazvaiita kuti ave nevarume vaviri, ndokukumbira kuti isu tipindere munyaya iyi sezvo Kabanda akange okonzera zhowe-zhowe,” vanodaro.

Baba vaMatura vanotsinhirawo kuti Kabanda ndiye akamanikidza mwanasikana wavo kuti adanane nababamukuru vake.

Share This:

Sponsored Links