Ohwandira nemukadzi muzvikona

27 Apr, 2018 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu
SAMUSHA vekuoneswa ndondo nemudzimai wavakarambana naye uyo anonzi anovateverera kwavanoenda achida kuvarwisa neshamwari dzake vakazopotera kudare redzimhosva.

Wilfred Rwizi akamhan’arira Jessica Chakwenya kuHarare Civil Court achiti ari kumushaisa rugare nekumushungurudza.

“Changamire, ndava kushaya kwekufambira nekuti nzira dzese dzandinoshandisa ndinozoerekana ndava kuona mukadzi uyu akandimirira neshamwari dzake vachida kundirwisa,” anodaro.

Anoti Chakwenya anoziva nzira dzaanoshandisa nekuti aimbova mudzimai wake.

“Anoziva nzira dzandinoshandisa nekuti aimbova mudzimai wangu saka ava kushandisa ruzivo rwake kuti anditevere uye kundimirira muzvikona,” anodaro Rwizi.

Anoenderera mberi achiti haadi kuti mudzimai wake mutsva apinzwe munyaya dzavo.

“Anonotuka mudzimai wangu achimupinza munyaya dzekurambana kwedu zvinova zvava kukonzera kunetsana mumba medu saka ndoda kuti dare riite kuti asasvike pamba pangu,” anodaro Rwizi.

Achipawo divi rake, Chakwenya anoti Rwizi ari kuda kutiza kubhadhara chikwereti chemari yake yaakamupa vachiri kugara vose.

“Chikumbiro chake ndinochiramba nekuti ari kuda kutiza kundibhadhara chikwereti changu,” anodaro.

“Handimugaririre pazvikona asi kuti ndinoziva nzira dzake dzaanoshandisa saka kuti ndibvunze chikwereti changu ndinotoona kuti ndamumirira paanenge achibva kubasa. Kuti ndiende kumba kwake, mukadzi wake haadi kundiona,” anodaro.

Mutongi Larzin Ncube akapa Rwizi gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>