Uncategorized

Oita mari nemarara

14 Sep, 2021 - 17:09 0 Views
Oita mari  nemarara

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MURUME wekuChitungwiza akavamba chirongwa chinodaidzwa kuti Maledadi Environmental Initiative chaari kuita basa rekunhonga marara munharaunda achigadzira zvinhu zvinodadisa pamwe nekuunza chouviri muraramo yake neyevamwe panguva ino yekurwisa chirwere cheCovid-19.

Tichaona Maledadi (54) anoti zvakakosha kuti vechidiki vatsvage mabhindauko anovararamisa pane kungochema vachiti upenyu hwavaomera.

“Chirongwa ichi ndakachivamba mugore ra1982 ndichishanda nezvikoro zvemuChitungwiza apo ndinenge ndichifundisa vana kukosha kwekuvandudza marara akaita sezvivharo zvezvinwiwa, magaba, mapepa nezvimwe. Kubva mumarara aya, tiri kugadzira mhete, chuma chemuhuro kana chemumakumbo, mabhegi, mabhasikiti nezvimwe zvakawanda,” anodaro.

Maledadi anoti kunyuka kwechirwere cheCovid-19 munyika kwakamboderedza mabasa ake kumashure sezvo akawana mukana wekugadzira zvinhu zvakawanda asi vatengi vari vashoma.

Mhete dzemuhuro

“Midziyo yandinogadzira inonyanya kufarirwa nevachena vanova vashanyi vanobva kune dzimwe nyika nokudaro zvichitevera kunyuka kweCovid-19, basa redu rakabva rati ndi-i kumira nekuti vanhu havaitenderwa kushanya. Ndine tarisiro yekuti tichapunduka iko zvino zvichitevera kunyevenutswa kwakaitwa zvimwe zvisungo zvelockdown neHurumende yedu.”

Maledadi anoti anotora mukana wedambudziko riri kuChitungwiza rekuwanda kwemarara achiita mari zhinji.

“Kune vechidiki vakawanda avo vanogarochema nyaya dzemabasa, ini ndinoti iwe iva mushandirwi kwete kuda kushandira vamwe. Maindasitiri anotomutswa nemi vechidiki muchizviitira pane kumirira kuti Hurumende ichakupai mabasa mose. Zvava kuda kushandisa njere uone kuti ungavamba rakowo bhizimusi ripi upinzewo vamwe mabasa,” anodaro.

Maledadi anoenderera mberi achiti, “Vakawanda vanosema marara asi ndinoti mumarara mune mari kunyangwe mukaenda kune dzimwe nyika dzakabudirira seChina, UK neSpain, pakati pedzimwe munotowana mazana nemazana evanhu vari mushishi kunhonga marara vachitengesa. Angava marara esimbi kana epurasitiki uye zvinobatsira kuti nharaunda isawandirwe nemarara ayo anozonovhara mapombi anofambisa mvura kana suweji.”

Bhasikiti rakagadzirwa nezvivharo zvezvinwiwa

Maledadi anoti ari kukwanisa kuraramisa mhuri yake kuburikidza nemabhindauko emarara uye akatombofamba munzvimbo dzinosvikira vashanyi seHwange National Parks neVictoria Falls achitengesa pamwe nekuratidzira zvigadzirwa zvake.

“Ndinofundisa zvekare madzimai emapurisa ayo ari pasi pechirongwa cheKuyedza Women’s Club kubikwa kwemarara patsva. Ndine mabhegi akanaka andakagadzira nemadisiki emimhanzi yakare, mabhasikiti ekuisira mbatya andinogadzira nezvivharo zvezvinwiwa kana zvemabhodhoro edoro nehumwe hudobi-dobi,” anodaro.

Maledadi anoti mabasa aanoita aya anobatsira zvekare mukuderedza kusvibiswa kwemhepo yekufema apo vanhu vanopisa marara zvinova zvinokonzera kuwanda kwehutsi mudenga zvichipedzisira zvamutsa zvirwere zvemapapu kuvanhu uye kusanduka kwemamiriro ekunze.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey