Uncategorized

Oita tsvina ine makonzo mapenyu

24 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Oita tsvina ine makonzo mapenyu Shylet Matsanhure achitaridza tsoka nemaoko zvine mavanga ekudzurwa nyama nezvinhu zvisingaonekwe. — Mifananidzo naKimberley Kazungu.

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MWANA ane makore mapfumbamwe okuberekwa anogara mumusha weGreen Valley, pedyo neEpworth, anonzi ari kuita tsvina ine matombo nemakonzo mapenyu.

Madzimai Jenniffer

Makonzo aya anonzi anobva angotiza pakarepo.

Sezvinonzi izvi zvishoma, mwana uyu anodzurwa nyama mumawoko nemumakumbo achisara adzidziuka maronda nezvinhu zvisiri kuonekwa.

Anonzi zvakare anofuma akagerwa vhudzi, achifuta huro kuita seyenyoka nekupfekerwa zvimiti munzeve.

Shyline Matsanhure ava kutotadza kufamba nekuda kwemaronda ari pasi petsoka dzake.

VaKandiyero

Anonzi mumawoko ake muri kubviswa nyama zvichikonzera kuti atadze kudya oga zvakanaka.

Amai vemwana uyu, Mai Jane Makoni (34), vanoti dambudziko rake rakatanga mwedzi mitatu yakadarika apo vaigara kuGlen Lorne, kuChishawasha vachichengeta pamba peimwe mhuri inogara kuUnited Kingdom.

Mwana uyu anonzi anoona zvivanhu zvisingaonekwe nevamwe vanhu achiitawo tsvina yematombo nemakonzo mapenyu.

“Tava nemwedzi mitatu zvatanga. Akatanga achitadza kufema tiri mumba apo aiti aiona munhu aiva akapfeka zvichena asi asina musoro. Mushure memazuva, akazotanga kuchema achiti aiona munhukadzi aiva akapfeka mbatya tsvuku nenhema achimuudza kuti ibvai pamba pangu apo taiva kuGlen Lorne,” vanodaro Mai Makoni.

Vanoenderera mberi:  “Akaenda kuchimbuzi anoita tsvina yematombo chaiwo, hurungudo sedzemurwizi. Dzimwe nguva anoburitsa makonzo chaiwo ayo anotiza kana abuda apo anobva azorwadziwa nemudumbu zvakanyanya.”

Mai Makoni vanoti mwana wavo ari kuchikoro anonzi aiona nyoka yaisaonekwa nevamwe vana zvaikonzera kuti atize mukirasi.

“Anoti akapinda muchimbuzi, anomudamo apfekerwa zvimiti munzeve asi pasingaonekwi kuti ndiyani azviita. Takamboenda naye kukiriniki akanobviswa zvimiti izvi atokuvara.

“Dzimwe nguva anofuta huro kuita seyenyoka tichitomuendesa kuchipatara kana kuchivanhu,” vanodaro Mai Makoni.

Vanoti nekuda kwemanenji ari kuitika kumwana wavo aya, vakazotama kubva kuGlen Lorne ndokuenda kuGreen Valley asi dambudziko iri harina kupera.

“Mwana uyu zvakare anogerwa vhudzi husiku tirere, torishaya zvachose. Anofuma akadzurwa nyama mumaoko nemumakumbo mutsoka kuita sekuvhiiwa tozoona nyama dzacho nemakanda anobviswa zvakaunganidzwa mumba,” vanodaro Mai Makoni.

Vanotiwo dzimwe nguva mwana uyu anondonyerwa tsvina yemunhu munzeve nemumusoro iyo isingazivikanwe kwainobva.

Pamusoro pezvo, anonzi anobvutirwa kudya mumaoko rinova dambudziko rakonzera kuti agare nenzara nguva dzakawanda. Baba vemwana uyu vanonzi vakatiza musha vachisiya mhuri iyi uye vasvitsa gore vasipo.

“Imwe nyaya, mwana uyu akangoerekana ave kubuda nemupunga wakabikwa mumba achiti aiva asangana nemumwe murume akapfeka mbatya tsvuku uyo akamupa rice iri. Zvakatishamisa nekuti isu taiva tisina kumbobvira takabika mupunga. Takapinda mumba tikatarisa murume uyu tikamushaya. Saka masaramusi akanangana nemwana wangu akawandisa.”

Mupunga wakatambidzwa mwana uyu nemunhu asina kuonekwa vanoti vakazoenda nawo kumaporofita uko wakanoraswa.

Mai Makoni vanoti vanonzwa vamwe vanhu vachiti murume wavo ave kushanda kuZambia uye havana nhamba dzake dzenhare.

Mwana uyu zvakare anonzi anoona dumbu rake richivhurika roga, mobuda nyoka hombe iyo inozomunanzva kumeso.

“Anotanga kuchema, wozonzwa oti amai dumbu rangu ravhurika, honai nyoka iyo yava kubuda. Anoti inomunanzva kumeso nemuviri wose, achitaura kudaro ini ndinobva ndatya zvikuru nekuti ndiye oga anenge achizviona.”

Mai Makoni vanoenderera mberi achiti, “Takanozvitsvaga kumaporofita akasiyana, mvura dzemiteuro dzinoraswa nechinhu chisingaonekwi, nhombo dzichikandwawo kwakadaro zvose netambo dzemiteuro dzaanosungirirwa. Saka ndinotsvaga rubatsiro rwekuti vanokwanisa vanunure mwana uyu.”

Madzimai Jeniffer Linnetty Kamungozi (36) vechechi yeNyenyedzi Nomwe vekuGlenwood, kuEpworth — avo vakamboshandira mwana uyu — vanoti zviri paari zvavakunda uye vanokumbira vamwe vanokwanisa kuti vamubatsire.

“Ndazvitadza zviri pamwana uyu nekuti mweya wacho wave kubva paari uchirwarisa vangu vana. Ndave kutotya kuramba ndichimubatsira.

“Akasvika pano ndokutanga kumhanya achiti aiona mukadzi aiva akamonera zinyoka zihombe zvino ndave kutyira kuti anogona kuzondifira pano,” vanodaro Madzimai Jenniffer.

VaGeorge Kandiyero, avo vanova mukuru wesangano reZinatha, vanoti mwana uyu ane zvikuru zviri paari.

Mashoko avo anotsinhirwa naSekuru Friday Chisanyu, mukuru wesangano reZimbabwe National Practitioners Association, vachiti mwana uyu anofanirwa kukurumidza kubatsirwa nevanhu vanoita zvemweya.

Kune vanoda kubatsira mwana uyu vanogona kuridza nhare dzinoti 0713 939 671 kana 0784 900 078. 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>