Oita zvinorova nekurima makabhichi

11 Oct, 2019 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURIMI wechidiki wekudunhu raMambo Mutambara kuCashel Valley, kuChimanimani oita zvinorova nekurima makabichi zvisinei nekuti akatarisana nedambudziko guru rekushaya kwekuatengesera.

Law Tiyengane (23) wekwaSabhuku Gumise anoti ari kuita bhindauko rekurima zvirimwa zvakasiyana achishandisa mvura yemurwizi rwaMutengambudzi iyo inongoyerera yoga nemumigero kuenda muminda.

“Kubva pandakapedza chikoro, handina kumboita hanya nekunotsvaga basa kumakambani sezvo ndakadzidziswa nevabereki vangu kuti ivhu ndiwo musimboti webudiriro. Ndinorima zvirimwa zvakasiyana ndichisiyanisa kubvira kumbatatisi, muriwo wakasiyana, chibage, mbambaira, gorosi nemakarotsi. Izvozvi ndakarima makabichi anokwana misoro 32 000  ayo akatoibva andava kushaya kwekutengesera asi akatengwa zvakanaka ndinotarisira kuwana mari inoita $88 000,” anodaro Tiyengane.

Anoti mhando yemakabhichi aakarima anodaidzwa kuti Indica Plus cabbage high breed ayo anokura kusvika pahuremu hwe7 kgs. Tiyengane anoti kune vamwe vanhu vanouya kudunhu ravo vachida kutenga zvirimwa zvavo – kusanganisira makabichi aya –  nemari shoma zvikuru.

“Tine vaye vatinoti makoronyera vanobva kuHarare, Chipinge, Rusape, Chimanimani, Mutare neChiredzi vanosvika kuno nemarori vachida kutitengera zvirimwa zvedu zvakaita semakabichi aya. Vanhu ava vanoda kutenga nemari yavanoda ivo nekuti vanenge vauya kuno saka vanoguma vave kutimanikidza zvavari kuda tobiridzirwa mari yedu. Ndiro dambudziko randatarisana naro kuburikidza nemakabhichi angu, ndinoda kuti atengwe nemari yakanaka,” anodaro Tiyengane.

Murimi uyu anoti kuti vatsvage rori yekunotengesa zvirimwa zvavo kungava kwaMutare, Chiredzi kana kuChipinge zvinovadhurira zvikuru.

“Nekudhura kwemafuta edzimotokari mazuva ano, hazvikwanisike kuti unganzi uhaye rori kubva kuCashel Valley kunobata kuHarare kana iko kwaMutare, unosara usina chawakarimira uchipfumisa vacho vasina kurima,” anodaro Tiyengane.

Anoti kune vamwe vanomboedza kuyambutsa zvirimwa zvavo kuMozambique sezvo pari padyo asi kune dambudziko rekuipa kwemigwagwa zvakare yekuenda ikoko. Tiyengane anoti chikumbiro chavo chikuru kuti dai vaisirwa makambani kwakare kuCashel Valley anovandudza zvirimwa zvavo zvichigadzirwa zvimwe zvinhu pasina kuti vanozotsvaga motokari dzekutakura zvirimwa kuendesa kune mimwe misika.

“Tinorima maranjisi, malemon, makarotsi, bhinzi, garlic, nyemba, muriwo wose, gorosi nezvimwe.

“Saka tinoti ngakuitwe makambani atinoendesa zvirimwa zvedu zvose zvovandudzwa tichigadzirawo jamu, tichiomesa muriwo uyu kuita mifushwa nezvimwe tozvitengesawo nemari yepamusoro,” anodaro Tiyengane.

 

Anoenderera mberi achiti, “Inyaya yatiri kugara tichipira kuvakuru vedu kuno sezvichemo, izvozvi handina kwekutengesa makabichi ndiri kufa nenzara ndakagarira mari.” anodaro.

Anotiwo anotsvagawo rubatsiro rwezvinhu zvinosanganisira tirakita yekurimisa, magejo, maboom sprayers nezvimwe izvo kana akazviwana anoda kuzvibhadhara pashoma nepashoma.

 

Share This:

Sponsored Links