Oitwa bhora nemurume

10 Jan, 2020 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Courtney Munodawafa

MUMWE mudzimai anoti anzwa nekugara achirohwa nemurume wake uyo anomuita “bhora rake” uye akamudzinga pamba pamwe chete nevana izvo zvave kuita kuti vagare pamhene.

Agness Kawina akamhan’arira Mohamed Motola kudare reHarare Civil Court achikumbira gwaro rerunyararo.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Kawina gwaro rinomuchengetedza.

Kawina anoudza mutongi wedare kuti, “Uyu aimbova murume wangu asi anondiita bhora rake. Takaroona pachivanhu asi anondiona sekunge ndisiri munhu. Takamborambana gore rapera iye akazouya achinditi ndidzoke kuzochengeta vana.

“Dambudziko rakatanga paakauya akandirwisa kumba, akapwanya midziyo yangu nekudira mvura ine tsvina pamagumbeze nehembe dzevana. Akabva andidzinga pamba akaisa hanzvadzi yake kuti igare ipapo.

“Musi waitika izvi, handina kuenda kumapurisa asi ndakabva ndatonanga kudare kunomhan’ara nyaya. Chinondinetsa ndechekuti vakada kundidzinga pamba pavasingagare sezvo vachigara nemukadzi wavo kuHopely.

“Izvezvi ndiri kugara nevana panhu pasina kana musiwo, pamhene chaipo. Apa imba yacho takavaka tese, dai dare randibatsira ndakwanisa kudzokera pasitendi yedu zvese nevana nekuti patiri hapagarike.”

Motola anoti Kawina ari kunyepa kuti ari kugara pamhene sezvo achigara kune imwe sitendi yavo ine imba.

“Mukadzi uyu ari kunyepa. Hongu mudzimai wangu, asi haasi kugara pachena nevana, ari kugara kune imwe sitendi yedu ine imba ine 2 rooms. Dambudziko riri panaamai ava nderekuti havasi kuda kugara muimba diki nekuti imba yavakabuda yaiva hombe uye yakanaka,” anodaro Matola.

Anoti imba iri kunetserwa nemudzimai wake haizi yavo asi kuti ndeyechechi.

“Imba yavari kunetsera ndeyechechi, ndakavati vabve nekuti mumwe mutungamiri akauya kuzogara ipapo. Handina kumbobvira ndavarova asi kuti ndivo vakatondirova chibhakera, vane hasha dzakanyanyisa,” anodaro Matola.

Anoti mwana wemudzimai wake akambomurovawo.

“Mwana wavo akatombondirova futi. Vakabvisa hwindo vachida kutengesa ndakatozoritorera mwana ndamuona achida kuritengesa panzira. Takamboenda kumapurisa takayananiswa asi vakangoshingirira nekuuya kudare,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey