Okanda mifananidzo yemukadzi musvo paFacebook

11 Dec, 2021 - 07:12 0 Views
Okanda mifananidzo yemukadzi musvo paFacebook

Kwayedza

Danisa Masuku

MUKADZI anogara kuPumula South, kuBulawayo ari kushungurudzika zvakanyanya nekuda kweaimbova murume wake uyo waanoti ari kutumira mifananidzo yake ari musvo padandemutande uye nekumurova.

Thabeth Moyo (36) anoti aifunga kuti mushure mekunge asiyana naMandla Nkolomi (39), aizogarawo upenyu hwake akasununguka uye zvine runyararo asi hazvisirizvo zviri kuitika.

Anoti Nkolomi anomushanyira kumba kwevabereki vake achikumbira kurara naye asi iye anoramba.

Izvi zvinobva zvaita kuti Nkolomi amupopotere achiti akabvisa pfuma uye achiri mukadzi wake nekuti havasati varambana zviri pamutemo muwanano yavo yemakore masere.

Moyo anoti zvinhu zvakazowedzera kuipa apo akatanga kumurova nekumutuka achimuti ipfambi.

Nechinangwa chekuda kunyatsomurwadzisa, Nkolomi anonzi akatora mifananidzo yaMoyo asina kupfeka mufoni make nechisimba ndokuiisa mufoni yake.

Nkolomi anonzi akabva atanga kutenderedza mifananidzo yaMoyo ari musvo pamadandemutande anosanganisira Facebook neWhatsApp.

Moyo anoti shamwari dzaNkolomi dzikamuona aine chero mumwe murume dzinomufonera zvinoita kuti aimbove murume wake uyu amufonerewo achimuti ipfambi.

Anoti akaedza kutaura nevabereki vaNkolomi nekuda kwekushungurudzwa kwaari kuitwa asi hazvina kubatsira izvo zvakazoita kuti apedzisire apotera kumatare.

Mumagwaro ake ekudare, Moyo anoti, “Ndanga ndakaroorwa naMandla Nkolomi makore masere apera. Takaparadzana munaChivabvu gore rino nekuti aindirova, kundituka uye kundishungurudza. Pari zvino ndave kugara nevabereki vangu.

“Anogara achiuya kumba kwevabereki vangu achiti anoda kurara neni. Ndikaramba ndipo paanoita hasha obva andirova nezvibhakera. Akatora foni yangu uye pari zvino ava kutumira vanhu mifananidzo yangu ndakashama paWhatsApp nepaFacebook nechinangwa chekusvibisa zita rangu. Ane tsika yekundituka nezvinyadzi.”

Mutongi Jeconia Prince Ncube vakapa Moyo gwaro redziviriro.

Nkolomi akaudzwa nedare kuti asarove, kutuka kana kushungurudza Moyo uye akamiswa zvakare kutumira mifananidzo yemudzimai uyu paWhatsApp nepaFacebook.

Share This:

Sponsored Links