Okurudzira vaimbi kubaiwa nhomba

04 May, 2021 - 17:05 0 Views
Okurudzira vaimbi  kubaiwa nhomba Dedicated Kerrymore Musasa

Kwayedza

Abel Ndooka

VAIMBI nevanoita zvemadhirama vari kukurudzirwa kuti vatungamire pachirongwa chekubaiwa majekiseni enhomba yekudzivirira chirwere cheCovid-19 senzira yekukurudzirawo veruzhinji kuti vatevere gwara ravo.

Kurudziro iyi yakaitwa nemuimbi ari kusimukira – Dedicated Kerrymore Musasa – achiti vaimbi nevanoita zvemadhirama vanofanirwa kuita chikamu chavo panyaya yekushambadza zvakanakira kunobaiwa majekiseni ekudzivirira denda iri.

“Isu vemimhanzi pamwe chete nevanoita zvemadhirama tiri kufanira kutora chikamu chikuru mukushambadza kunaka kwekubaiwa majekiseni eCovid-19 nekuti tikaenda pamberi tinobatsira mukukurudzira veruzhinji kuti vanobaiwawo,” anodaro.

Musasa anoenderera mberi achiti, “Vaimbi nevanoita zvemadhirama vanoteverwa nevanhu vakawanda, saka tikanobaiwa nehuwandu hwedu, vatsigiri vedu vachazviona, ndinovimba kuti zvinokurudzira vanhu vakawanda kuita zvimwe chetezvo.

“Kana muchiona vatsigiri vedu, vamwe vanotopfeka semapfekero atinoita nekuti vanotitevedzera. Saka kana tikabaiwa, ndinoona vachiteverawo zvatinenge taita.”

Kusvika nemusi weMuvhuro svondo rino, vanhu 38 293 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa muZimbabwe.

Pavarwere ava, 35 647 vakatopona asi vamwe 1 573 vakafa.

Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 437 751 vange vabaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) ekudzivirira chirwere cheCovid-19 munyika muno apo 99 765 vange vabaiwa epiri (2nd dose).

Musasa, uyo anotungamira chikwata cheMusic Disciples, achangobva kubura kambo kechenjedzo pamusoro pechirwere cheCovid-19 kanonzi ”Zvirwere Zvawanda”.

Anoti kambo aka kanotaura pamusoro pekukanganiswa kwaitwa upenyu hweveruzhinji nedenda iri uye kuwanda kwaita zvirwere zvakasiyana izvo zviri kushungurudza vanhu.

“Zvirwere zvawanda, vanhu vari kushungurudzwa uye kuuya kweCovid-19 kwakanganisa upenyu hwevakawanda.

“Zvose tinongozvisiira mumaoko aMwari vatitungamire upenyu hwedu tigoponeswa kubva kuzvirwere zvakawanda izvi.”

Gore rino richitanga, Musasa akabura madambarefu matatu anoti Dariro Hamuzakatipa rinova reSungura, Chibvindibvindi reZim-dancehall kozoti Chingwa Chehupenyu rechitendero.

Share This:

Sponsored Links