‘Old Mutual Quiz’ hutu kuBulawayo

08 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
‘Old Mutual Quiz’ hutu kuBulawayo VaJonas Mushosho

Kwayedza

Daphne Machiri
CHIKORO cheJohn Tallach High chekuBulawayo ndicho chakatora mukombe wemakwikwi eOld Mutual National High School Quiz, ayo akapindwa nezvikoro 24 kubva kumatunhu ose eZimbabwe. Zengeza 1 High yekuChitungwiza yakaita nhamba yechipiri apo mubairo wechitatu wakaenda kuSt Antony’s High School yekuZaka.

Zvikoro zvitatu zvakahwinha mibairo yepamusoro izvi zvakapiwa motokari uyewo vana vakapinda mumakwikwi aya vakawaniswa mibairo inosanganisira malaptops.

Vachitaura pamakwikwi aya – ayo akaitirwa muHarare svondo rapera – gurukota redzidzo yepuramairi nesekondari, Professor Paul Mavima, vanotenda kambani yeOld Mutual nekutsigira kwairi kuita makwikwi aya sezvo achibatsira mukurodza ruzivo rwevana.

“Tinoda kutenda Old Mutual nekuunza chirongwa chekwizi muzvikoro zvinova zvinobatsira kuvandudza nekuvhura pfungwa dzevana vechikoro apo vanenge vachiita makwikwi aya uye vanenge vachipanana ruzivo muzvidzidzo zvakasiyana-siyana,” vanodaro Prof Mavima.

Vanoenderera mberi vachiti, “Makorokoto John Tallach nekukunda mumakwikwi, zvinoratidza kuti vadzidzisi vari kushanda nesimba mukupa vana ruzivo. Zvakare, mashoko angu kuvana vechikoro ndinoti shamwari yakanaka ibhuku, dzidzo inhaka isingaparare.” Vachitaurawo pachiitiko ichi, chamangwiza wekambani yeOld Mutual Zimbabwe, VaJonas Mushosho, vanoti chirongwa chemakwikwi ekwizi ichi chakaparurwa mugore ra1985 nedonzvo rekurodza pfungwa dzevana vechikoro.

“Donzvo redu nderekurodza pfungwa dzevana vechikoro pamwe nekuvandudza dzidzo munyika. Vana vechikoro vanofanirwa kuve neruzivo maererano nezvidzidzo zvavanoda kuzoita kudanho rekuyunivhesiti pamwe nekuti vave nehungwaru mukusarudza mabasa avanoda.

“Tiri kufambirana nechirongwa chebazi redzidzo yepuraimari nesekondari chekuvandudza dzidzo, cheNew Curriculum,” vanodaro VaMushosho.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey