O’level – Chokwadi chinobuda

19 Oct, 2018 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza 

“RINA manyanga hariputirwe mumushunje.” Tsanangura kuti tsumo iyi inozadziswa sei nezviitiko zvishanu zviri mumutambo Kereke Inofa. (25)

Tsumo yekuti rina manyanga hariputirwe mumushunje inoreva kuti kunyangwe chinhu chakaipa chikaedza kuvanzwa zvakaita sei, chinozongobuda pachena chete.

Tsumo iyi inodudzirwa nekubuda pachena kunoita nyaya yekudanana kwaSusan naDance Manyukunyuku. Tinozviona Susan paanotora chikomba chaBeauty chainzi Dance vachidanana muchivande. Beauty anozosvika pakuzviziva zvinoonekwa nekurwa kwavanenge vave kuita vari mumupanda wavairara kumba kwaZebra kuGlen View 7.

Tsumo iyi inozadziswa nekubuda pachena kwenhumbu yaSarah. Izvi zvinoonekwa Sarah naPastor Mwenje pavanotiza muZimbabwe vachienda kuUK vachiedza kuvanza pamuviri paSarah.

Pavanosvika kuUK, Mary mudzimai waPastor Mwenje anoona Sarah asina kupfeka zvakaita kuti azonyumwa kuti akanga ave nepamuviri uye aifanira kuenda kunovhenekwa kwachiremba.

Mary akanga atozviona kuti Sarah akazvitakura kunyangwe zvazvo Pastor Mwenje vaiedza kuramba vachizvivanziridza.

Tsumo iyi inojekeswa nekubuda pachena kwemwana waSarah naPastor Mwenje. Tinozviona Sarah paanoudza mukoti Lydia kuti vadzivise vanhu vese vaida kumuona ari muchipatara cheWest End. Izvi zvinoita kuti mukoti Lydia vazonetsana naZebra akanga achida kuenda muWadhi X1950 kunoona Sarah.

Vanokikiritsana kusvika Zebra apinda muwadhi yaive naSarah zvechisimba ndokumuwana abatsirwa nemwana.

Kubuda pachena kwenyaya yekuti mari yakapedzisa kuvaka imba yaZebra yaive yaPastor Mwenje kunotsigira tsumo iyi. Izvi tinozvijekeserwa naZebra paanoda kudzinga Sarah pamba pavo kuGlen View 7 ndokurambidzwa naRose achinzi imba iyoyo yaive yavo vese sezvo Sarah akanga atumirawo imwe mari yekuti ipedzise kuvakwa achiri kuUK, inove yaaipiwa naPastor Mwenje.

Kubuda pachena kwechokwadi chekuti Sarah naPastor Mwenje vaidanana kunoenderana netsumo iyi. Zvinobuda Mary paanoona Sarah naPastor Mwenje vari muchipatara cheWest End vatove nemwana zvinoita kuti azoziva chokwadi chekuti vaviri ava vakanga vachidanana kubvira kare asi asingazvizive

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey