Uncategorized

Omera ‘zizamu’ kumusana

21 Feb, 2020 - 00:02 0 Views
Omera ‘zizamu’ kumusana Godfrey Mushungwasha achitaridza zinyama rakamera kumusana kwake

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUME anogara kwaMujinga, kuHurungwe, amera zinyama rinenge zizamu remukadzi kumusana kwake iro raanoti rinonyanya kukura kubva mumwedzi waMbudzi kusvika waKukadzi gore negore apo mvura inenge ichinaya.

Godfrey Mushungwasha (27) wemubhuku raCharedzera anoramba mashoko ari kutenderera anoti dambudziko iri rakatanga mushure mekunge atora mudzimai wemuridzi.

“Zibundu iri rakatanga kari kapundu — kunge mhezi — ndokukura mugore ra2013. Rakura kudaro, ndakazovhiiwa mugore ra2016 zvikambopera. Rakazokura zvakare mugore ra2018 na2019 kusvika izvozvi apo rava kuita maronda anobuda honye richinhuhwa zvikuru,” anodaro Mushungwasha.

Mushungwasha — uyo anova mutyairi wetirakita uye akaroorana naVimbainashe Dabvu (20) — anoti chinomunetsa ndechekuti zinyama rakamera kumusana kwake iri rinonyanya kukura mumwedzi inonaya mvura — waMbudzi, Zvita, Ndira naKukadzi.

“Handina kumbodanana nemukadzi wemunhu, kunyepa kwevanhu. Zvakare, kune vanhu vari kutodya mari vachifambisa mashoko ekuti vari kunditsvagira rubatsiro vachipihwa mari dzekundibatsira asi ini ndisingavazive. Vamwe vanotondibvunza kuti mari wakaiona here yatakakubatsira nayo?” anodaro.

Mushungwasha akauya kuHarare munaNdira wegore rino uye anoti haachagona kufamba nekuda kwenyama yakamera kumusana kwake iyo iri kunzi nemachiremba ibviswe, asi iye ari kushaya mari yekuzvirapisa.

“Pane nyaya yandakaita yekunzwa tiri vana vadiki, yemunhu watinogara naye kumusha uyo akapihwa munda naamai vangu ndokutanga kurima. Nekufamba kwenguva, amai vakazenge voda munda wavo apo zvinonzi vakasvika pakutema chibage chake ave kurambira nawo.

“Munhu iyeyu anonzi akazoti achaona zvekuita kumhuri yedu nesu sevana apo amai vakabva vazofa vasina kurwara,” anodaro Mushungwasha.

Anoti apa baba vake vakanga vafa kare nekudaro dambudziko rekuzvimba musana iri rakazotanga vave nherera.

Mushungwasha anotiwo hanzvadzi yake iri kuzvimbawo dumbu izvo zvakatanga abva mukusununguka mwana.

“Hatizive kuti inyaya yemunda here yatakaroyerwa sezvo munhu ainetsana naamai achiripo, kana kuti kurwarawo. Ndinorumwa husiku kumusana ikoku, ukuwo hanzvadzi yangu Patience Mushungwasha (33) akazvimbawo dumbu. Tose tiri kutsvaga rubatsiro rwemari yekuti tivhiiwe.”

Murume uyu anoti maronda aainawo kumusana anoonekwa honye mukati idzo dzinombobuda kana akarara.

“Ndakamboverenga honye idzi dzikadarika 50 idzo dzakabuda mumaronda aya ndakarara,” anodaro Mushungwasha.

Nekuda kwekushaya mishonga yekushandisa, anoti anoisa sauti kurapa maronda aainawo.

Mushungwasha anoti mamwe mashoko ari kubuda ekuti murume akanga akapihwa munda naamai vake uyu akazoenda kun’anga yekuBinga iye haana ruzivo nazvo asi anongozvinzwawo.

“Kusvika nanhasi munhu akanetsana naamai nenyaya yemunda uyu hatisati takwanisa kutaura naye nezvehurwere hwangu, kana sabhuku vanototyawo kutaura naye. Isu kuti titaure naye zvinoita sekunge kupumha munhu huroyi,” anodaro Mushungwasha.

Votaura nezvedambudziko remurume uyu, Dr Edwin Muguti — avo vaimbova mutevedzeri wegurukukota rezveutano nekurerwa kwevana — vanoti Mushungwasha nehanzvadzi yake vanofanirwa kurapwa nemachiremba.

Asi, Mbuya Alice Masoko Kwenda vekuLochnvar, muguta reHarare, vanoti mhuri iyi yakaroyiwa uye inoda kubatsirwa muchivanhu kuti                                                                                     zvipere.

Share This:

Sponsored Links