Uncategorized

Omicron honzeri yendufu dzakawanda

11 Jan, 2022 - 08:01 0 Views
Omicron honzeri yendufu dzakawanda Dr Mahomva

Kwayedza

Munyori weKwayedza

MHANDO yehutachiona hweCovid-19 hweOmicron hunonzi ndihwo huri kukonzera ndufu dzakawanda dzinodyidzana nedenda iri.

Dr Agnes Mahomva, avo vanova Chief Co-ordinator weCovid-19 mumahofisi emutungamiriri wenyika nedare reCabinet, vanoti ongororo yakaitwa nenyanzvi dzezveutano inotaridza kuti ndufu dzakawanda dzeCovid-19 dziri kukonzerwa neOmicron.

Omicron variant, iyo inonzi nenyanzvi dzezveutano inopararira zvakanyanya, yakatanga kuonekwa muZimbabwe munaZvita, yakakonzera kunyuka kwedenda iri kechina (fourth wave) panguva yezororo reKirisimasi neGoredzva.

Ongororo yakaitwa neHuremende inotaridza kuti Omicron inopararira zvakanyanya kudarika Delta variant, iyo yakakonzera kunyuka kwechikamu chechipiri (second wave) cheCovid-19 munaZvita 2020.

Vanhu vanosvika 260 vakafa nedenda iri pakati pa20 Zvita 2021 na3 Ndira gore rino kana zvichienzaniswa ne73 vakafa panguva imwe chete pakanyuka chikamu chechipiri chedenda iri icho chakakonzerwa neDelta variant.

“Vanamazvikokota vezvesanzi vari kuenderera mberi vachiita ongororo yekuona kuti ndeipi mhando yehutachiona hweCovid-19 iri kunyanya kubata vanhu.

“Mukuita ongororo iyi, vanamazvikokota vedu vakaona chikamu chakakura chendufu chiri kukonzerwa neOmicron variant,” vanodaro Dr Mahomva.

Vanoti Zimbabwe yakangwarira zvakanyanya njodzi yekunyuka kwedzimwe mhando dzehutachiona dzakadai seFlurona neIHU idzo dzakaonekwa kune dzimwe nyika.

Zvisinei, Dr Mahomva vanoti hapana chikonzero chekuti veruzhinji vavhunduke sezvo Zimbabwe yakagadzirira kurwisa mhando itsva dzedenda iri.

“Takagadzirira zvakanyanya senyika, kunze kwenyaya yekuti mhando itsva dzehutachiona uhu dziri kubva kunze, tiri kutora matanho zvakare ekuti tikwanise kubata hutachiona uhu nekukasika.

“Hapanai chikonzero chekutya asi ndokunge veruzhinji vakaramba vachitevedzera nemazvo matanho aripo ekudzivirira Covid-19,” vanodaro Dr  Mahomva.

Hurumende, vanodaro, yakabvumidza kuti vanhu vabaiwe nhomba yechitatu (booster shot) senzira yekusimbaradza masoja anorwisa zvirwere mumuviri meavo vakabaiwa majekiseni aya zvizere.

“Takatanga kubaya nhomba yechitatu uye tinoda kusimbaradza chirongwa chekubaiwa ichi, kunyanya kuvashandi vedu vepamberi. Mushonga wenhomba hauna njodzi uye unochengetedza hupenyu,” vanodaro Dr Mahomva.

Kusvika nemusi weSvondo, vanhu 222 291 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa kubvira pakatanga chirwere ichi munaKurume 2020 muZimbabwe.

Pavarwere ava, 194 306 vakatopona asi vamwe 5 160 vakafa.

Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 4 167 808 vange vabaiwa majekiseni ekutanga ekudzivirira chirwere cheCovid-19 apo 1 186 514 vange vabaiwa ose ari maviri – ekutanga neechipiri (2nd dose).

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>