Omirira penjeni achigara panze

28 Sep, 2022 - 08:09 0 Views
Omirira penjeni achigara panze Abel Gutuza

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME anobva mubhuku raMhondiwa, kwaMambo Chitsunge kuBuhera ari kugara panze pamhene mumusha weGlen View 8, muHarare, achiti akamirira mari yake yemudyandigere iyo yaanoti haisati yabuda kubva paakasiya basa mugore ra1999.

VaAbel Gutuza (68) vanoti vaishanda sagadhi kubva mugore ra1982 ndokuzobuda basa munaKubvumbi 1999.Vanoti havana kupihwa mari yavo yepenjeni pavakasiya basa. Murume uyu ari kugara kunoperera dzimba mumugwagwa waFourth Circle kuGlen View 8.

Vanoti pavakasiya basa, vakaudzwa kuti mari yavo yemudyandigere yaizobuda, ivo ndokuona zvakakodzera kuti vagare zvavo muHarare vachimirira mari iyi.

“Dambudziko randakaita panguva yandaiva kubasa ndakaroorana nemumwe mudzimai tikaita vana 4 vakomana vose. Zvakazobuda pachena nekufamba kwenguva kuti mudzimai uyu aiita gumbo mumba gumbo kunze akazotaura oga kuti vana vose ava vaisava vangu.

Musha waGutuza

“Takabva tarambana akaenda nevana ava vose ini ndikasara ndoga ndisina chinhu,” vanodaro VaGutuza.

Vanoti havana kuzopedza nguva refu mudzimai uyu aenda vakabva vaenda pamudyandigere.

“Nguva yakawanda ndakapedza ndichigara nemudzimai uyu ndichifunga kuti vana vaiva vangu ndikadyiwa kusvika pakuumbuka. Dai vana ava vaiva vangu vangadai vachindichengeta.
“Ndakazobva muimba yatairoja basa rapera ndokutanga kugara mumigwagwa saizvozvi. Pano ndipo pandakauya ndamboita nguva ndichiroja mugore ra2006,” vanodaro VaGutuza.

Vanoti nyaya yakaita kuti vazomirira mari yepernjeni yavo vachigara musango ndeyekuti vakavimbiswa kuti imwe yemari iyi vaizopihwa iri imba uye imwe yacho uri musvo.

“Ndinogara pano pasango kubva mugore ra2006, vanhu vane dzimba muno vava kutondiziva uye handina dambudziko navo. Ndakachera pasi pandinochengetera zvinhu zvangu, kubvira kumbatya nemagumbeze nezvimwe zvandinovhara nemapurasitiki amunoona ayo.”

Murume uyu anorarama nekuenda kuGlen View 8 Complex kunovezwa zvinhu achinoita mabasa akatsaukana.

“Kumusha ndakagumisira kuenda mugore ra2006, baba vakashaika kare asi amai vapenyu variko, vanonzi Milca Mhondiwa. Ndine mombe dzangu nemusha wandaigara nemudzimai akazotiza nevana uyu.

“Handichaziva kuti mombe idzi dzava ngani sezvo kuine anodzifudza,” vanodaro.

VaGutuza vanoti nhamba yavo yebasa kwavaishanda yeNEC inoti 1281931C.

“Number yangu yebasa ndiyoyo NEC1281931C. Imwe nyaya, ndine hama yangu yaiva yakandinyoresa yaishanda kumagiredha yataura kuti ndizopihwa mari yake kana ashaika sezvo aisava nemwana. Mari iyi hainawo kuuya.”

“Takaberekwa tiri vaviri vakomana, mukoma wangu ariko anoshanda muno muHarare,” vanodaro.

VaGutuza vanoti izvozvi havana mari yekuti vakwirise bhazi kuenda kumusha kwavo kuBuhera uye vakawana anovabatsira vanoenda.

Murume uyu anoti mari yaanoshanda inoperera mukutenga chikafu icho anobikira musango.
Asi anotsenga-tsenga mukanwa paanobvunzwa kuti anogezera nekuzvibatsira kupi.

“Zvionerei ndinogara ndakachena uye kwekuzvibatsira kuriko. Ndinorara ipapa mumapurasitiki umu, nguva yemvura handinaiwe ndinenge ndirimo, ndinoisa ivhu rakakomberedza nzvimbo yandinogara.”

VaGutuza vanoyambira veruzhinji rwuri kumabasa kuti vasavimbe nemari yepenjeni vachiti vanhu ngavatsvage mabasa ekuita vachiri kunzwa. Vamwe vanhu vanogara mudzimba dziri pedyo nepanogara murume uyu vakaramba kutaura zvakawanda nezvake.

“Pasina kunditora mifananidzo kana mashoko, imi zivai kuti murume uyu haapenge uyewo anogarisana nevamwe pasina kunetsana. Upenyu hunogarwa nemurume uyu hwakaoma, ko akafa anoitwa sei?” anodaro mumwe mudzimai.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey