Uncategorized

Omutswa kuhope nechipoko chagogo

17 Apr, 2019 - 17:04 0 Views
Omutswa  kuhope  nechipoko  chagogo Edwin Ndlovu

Kwayedza

Zibusiso Moyo
MURUME wekuInyathi, kuBubi, mudunhu reMatabeleland North, anoti aoneswa ndondo nechipoko chaambuya vake icho chinouya chichimumutsa ari kuhope uye dzimwe nguva anochiona akasvinura.

Edwin Ndlovu anoti anogara achinzwa izwi raambuya vake richimushevedza richimuti amuke pose paanenge arere husiku.

“Handizi kurara zvakanaka kwemwedzi yadarika, ambuya vangu — avo vanova mushakabvu — vari kundishanyira kuhope apo vanondiudza kuti ndimuke.

“Pakutanga, ndaifunga kuti pamwe pane njodzi ichandiwira iyo vaida kundiyambira nezvayo asi ndakazongoona kuti kunongova kuda kundishungurudza,” anodaro.

Ndlovu anoita basa rechikorokoza uye anoti pose paanozama kuda kuzorora mushure mekunge aswera achishanda, ambuya vake ava vanobva vamuvinga kuhope.

“Ndaneta nazvo manje nekuti zvave kundikanganisa kuita basa rangu zvakanaka,” anodaro.

Anoti izvi zvaitika kwemwedzi inosvika mitanhatu uye pose apo ambuya vake vanomushanyira kuhope, vanenge vakapfeka mbatya nhema, vaine maziso akatsvuka zvikuru.

Ndlovu anoti aedza zvose kuenda kun’anga nekumaporofita asi dambudziko rake harizi kupera.

“Ndashanyira maporofita akasiyana kuti andibatsire. Ndageza nemishonga yakasiyana inonzi inodzinga mweya yakaipa asi hapana chasanduka.

‘‘Ndinongoramba ndichiona ambuya ava.

“Dzimwe nguva ndinovaona zvakare pandinenge ndakatosvinura. Ndinombofunga kuti zvichida makarukaru nekuti ndini ndoga ndinenge ndichivaona,” anodaro. Anoti izvi zvinoitika chete kana ari pamba pake uye kana ave kuda kuti anyatsorara hope anotoenda kudzimba dzevamwe vanhu.

Share This:

Sponsored Links