‘Onai COSAFA muri kumba’

08 Jul, 2021 - 11:07 0 Views
‘Onai COSAFA muri kumba’ EDward Chimedza

Kwayedza

Abel Ndooka

VATSIGIRI vechikwata chenhabvu cheZimbabwe Warriors vanokurudzirwa kuti vatevedzere mitemo yenyika neyeWorld Health Organization (WHO) iyo yakananga kuderedza kupararira kwechirwere cheCovid-19 uye kuti vasaungane panguva iyo vachaona chikwata chavo chichikwikwidza mumitambo yeCosafa Cup iri kuitirwa kuSouth Africa.

Mitambo yeCosafa Cup yakatanga svondo rino uye maWarriors ari kurwira kuhwina mukombe uyu kechinomwe zvekare kuudzora kumusha kubva gore ra2018.

Kusvika pari zvino, maWarriors ndiwo akahwina mikombe yakawanda kudarika zvimwe zvikwata achiteverwa neZambia iyo yakwanisa kuhwina mukombe iwoyu kashanu.

Achitaura svondo rino, mutungamiri weFriends of the Warriors – Edward Chimedza – anoti ino haisisi nguva yekuti vatsigiri venhabvu vaungane vachiona pazvivhitivhiti mitambo iri kuitirwa kuSouth Africa sezvo zvichizokonzera kuti Covid-19 itapuriranwe pakati pevanhu.

“Chikumbiro changu kune vatsigiri venhabvu, ndapota ngatisanungane sezvataiita kare nekuti Covid-19 iri kuuraya. Kare taingonzwa kuti chirwere ichi chiriko kune vamwe vanenge vane hama dzavo dzabatwa kana kuuraiwa nacho, asi iye zvino chave kuuraya hama dzedu dzepedyo muno.

“Saka ngationei mitambo tiri kudzimba dzedu tichitsigira chikwata chedu tichienda padandemutande pakaita seTwitter neFacebook tichitumira mashoko esimbaradzo ipapo. Hatidi vanoungana nekuti mhando itsva yeCovid-19 iyo iri kunzi Delta variant iri kuuraya uye haisi kutambisa.

“Hatidi kurasikirwa nehama dzakawanda, ngatigare kudzimba dzedu toona mitambo tiri ikoko,” anodaro Chimedza.

Anoenderera achiti zvakakosha kuti vatsigiri venhabvu vaende kunobaiwa nhomba kana kuti majekiseni ekudzivirira Covid-19 sezvo iyi iri iyo imwe yenzira dzinobatsira.

“Ngatiite mudungwe wekuenda kunobaiwa nhomba nekuti zvinobatsira kudzivirira chirwere ichi. Kana tichida kuzowana mukana wekuona zvikwata zvedu zvichikwikwidza, ngatifarirei kubaiwa, ngatiite mudungwe wekunobaiwa,” anodaro Chimedza.

Achitaurawo, mutsigiri mukuru wenhabvu Adomsi Mukwasi, anoti kana zvichibvira dai mapurisa afamba achiongorora munzvimbo sedzekutandarira kuti vanhu havasi kuungana here izvo zvisingatenderwe achiti kazhinji panowanzotamba chikwata chenyika, vanhu vanofarisa vachida kuona chikwata chavo chichitamba.

“Chikwata chedu tinochidisisa zvikuru zvekuti tinoda kuona mitambo yacho takawanda. Asi iye zvino dai tambogara kudzimba nekuti Covid-19 haina kumira zvakanaka, vanhu vari kufa.

“Kuti tikunde denda iri tinofanira kutevedzera zvinotaurwa neHurumende yedu togara kudzimba tichitsigira chikwata chedu.

“Tine mapoka akawanda eWhatsApp anoita nezvenhabvu, imomo ngatinge tichikurukura tichiongorora matambiro anenge achiita chikwata chedu kwete kuungana.

“Kuungana imhosva huru, ndapota hangu ngatigare kudzimba,” anodaro Mukwasi.

Achitaurawo, munyori mukuru weFriends of the Warriors – Zivanai Muwashu – anoti zvinorwadza kuti chikwata chavo chakaenda kumakwikwi aya chisina vatsigiri, asi vanofanira kutevedzera mitemo iripo ine chekuita nedenda reCovid-19 kuitira kuti zvigobatsira kuponesa upenyu hweveruzhinji.

Anoti naizvozvo vatsigiri vanofanira kubatana mukuisa minamato kuti maWarriors agohwina kuSouth Africa.

“Cosafa yagara ndeyedu makore ose, saka tinoziva kuti maWarriors achadadisa kumutambo uyu. Isu sevatsigiri, ngatinamatire chikwata chedu kuti chigokunda mukombe uuye kumusha,” anodaro Muwashu.

Zvakadaro, maWarriors akavhurira mitambo yawo yeCosafa apo akasangana neMozambique. Mutambo wavo unotevera achasangana neMalawai musi weChishanu.

Mutevedzeri waZdravko “Loga” Logarusic, Tonderayi Ndiraya ndiye ange achifanorairidza maWarriors sezvo Loga ange arambidzwa kupinda munyika yeSouth Africa nekuti ange asina magwaro akakwanana (visa).

Asi Loga akazopihwa zvake visa rekuti atevere chikwata chake kuSouth Africa.

Share This:

Sponsored Links