Uncategorized

ONGODHUBHUKA HURWA . Anofungira kuti akasotwa nemudzimai wake . Ukuwo aimbodanana nevakadzi vakawanda

10 Aug, 2022 - 17:08 0 Views
ONGODHUBHUKA HURWA  . Anofungira kuti akasotwa nemudzimai wake . Ukuwo aimbodanana nevakadzi vakawanda Richard Mutemeri

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wekuBeatrice ari kungodhubhuka kubuda hurwa achifamba nekuda kwemamota aanomera muviri wake wose izvo zvaanoti zvakavamba apo mumwe wemadzimai ake matatu aakarambana nawo akangotanga kuchema achiti “huwiii huuwii” sebere.

Anoti dzimwe nguva mukadzi uyu aihwihwidza sezizi husiku kudzimara kunze kuyedze.
Richard Mutemeri (46), uyo ari kugara papurazi reMuringisi kuBeatrice – asi kumusha achibva kwaBushu kyShamva – anoti asvitsa makore anodarika gumi achirarama nekunhuhwa muviri wake wose nekudhubhuka hurwa mumaronda nemamota anongomera paari.

Mutemeri anoti aizvishandira mumapurazi ekuBeatrice apo akaroora madzimai matatu asi akazorambana navo vose nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

“Ndakaita madzimai matatu avo ndaizongosiyana navo nezvikonzero zvakasiyanawo. Pamadzimai iwaya, pane mumwe wandakazotanga kunetsana naye iye ndokundibudira pachena kuti ndaizoita dambudziko rekudzidziuka maronda nemamota achiti kune mweya wezvikwambo unoda kunwa ropa rangu nehurwa hunobuda mumaronda nemamota,” anodaro Mutemeri.

Anoti akaedza kubvunzurudza mudzimai uyu kuti amupe tsanangudzo dzizere nekuda kwenyaya iyi, asi hapana zvakawanda zvaakaudzwa.
“Mushure mekunge ndaudzwa nyaya iyi nemudzimai, takazorara asi pava pakati pehusiku akasanduka kuita sechimhuka ndokutanga kuchema sebere, pamwe achimboita kunge zizi.

“Pamwe pacho waifunga kuti igava kana katsi. Ainge asandura pekurara ari kumakumbo kwangu achibata-bata tsoka dzangu. Ndakaedza kutaura naye asi aisandipundura kusvikira kunze kuyedze.

“Vanhu vemukomboni mandaigara kuJoice Mine uko kwandaishanda vakafuma vachibvunza kuti mazizi, makava nemapere zvararochema kupi, ini ndokuvabudira pachena kuti mudzimai wangu aidaro,” anodaro.
Mutemeri anoti kubva musi uyu, akabva atanga kumera maziduzu muviri wake wose achibuda mvura ndokuzotevera mamota nemaronda kusvikira izvozvi.

Murume uyu akaratidza Kwayedza muviri wake wose uyo wangova mamota nemaronda uye ganda rake rasanduka kusviba zvekare rakaomarara kuti kwasharara.

“Takaedza kufamba nemudzimai wangu uyu tichingonzi huroyi. Izvozvi muviri wangu wose anongova mamota, hapana paasiri – kumagadziko, muhapwa, kumusana pakati pemakumbo chaipo kusikarudzi – hapana pasina.
“Sezvamuri kuonawo, ndinoita semunhu akatsva nekuda kwemaronda nemamota iwaya. Kuchipatara vaifunga kuti igomarara asi kuchivanhu ndinonzi kuroyiwa. Handichakwanisa kuenda kuchimbuzi zvakanaka nekuti nzira yekuzvibatsira nayo yave kuvhara uyewo ndinozvibatsira ndakarara.”

Murume uyu anogara arere nekuti kumagadziko ake anongova maronda nemamota zvinobuda hurwa.
Anoti aenda kuzvipatara zvakasiyana achinoongororwa nemachiremba pasina chirwere chinonyatsoonekwa.

“Ndinotaurirwa nemachiremba echivanhu nemaporofita kuti paichema mudzimai wangu achitevedzera mapere nemazizi nedzimwe mhuka, aisava iye asi kuti zvidhoma nezvivanda kana kuti tokoloshi. Zvinonzi zvinoda kuti ndiende kumusha kwanatezvara vane mwanasikana akaita izvi kuti vandisunungure.

“Zvino hakuendeke kana kutaurika navo, vanotoda kundirwisa ndikaburitsa nyaya iyoyi,” anodaro Mutemeri.
Anoti hama dzake, kunze kwemukoma wake, hapana ari kumubatsira nekuda kwehurwere uhwu.

“Kuzvipatara ndinoenda kunopihwa mapiritsi ekunyaradza marwadzo chete, kwete kuti ekurapwa nekuti chirwere chacho chaicho hachisi kuonekwa. Ganda rangu rakakwasharara kuoma seremhuka nekuda kwemaronda nemamota asingapore aya.
“Apa ini wacho handina mari yekuchipatara neye kunobatsirwa kumachiremba vanova nyanzvi. Ndinodawo kudya nemishonga yekuzora pamaronda nemamota asi handina.

“Magumbeze chaiwo handina, vamwe vandakaberekwa navo vanoti iye mukoma wangu nehanzvadzi nhatu vari kuHarare uyewo amai vapenyu,” anodaro Mutemeri.

Murume uyu, uyo aiita basa rekukama nekufudza mombe uyewo kusakura muminda, anoti ainyanya kuzivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Gochera zvaanoti zvakabva mukudanana nemadzimai akawanda emumapurazi eko.
“Izvozvi kana magumbeze chaiwo handina nemafuta ekuzora nemhando yesipo inodiwa kuti ndishandise pakugeza. Ndinokumbirawo kune vane tsiyo nyoro kuti vandibate panhare dzaamai vangu vanogara kuHarare dzinoti 0788 514 533 dzinova dzaEurita Mutemeri. Ndayaura veduwe,” anodaro Mutemeri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>