Ongororo: Ndufu pakubara dzoderera, madzimai obatsira

25 Nov, 2022 - 18:11 0 Views
Ongororo: Ndufu pakubara dzoderera, madzimai obatsira Letwin Jumbe uyo akabatsirwa pasi pechirongwa cheCORDAID achufundiswa kuyamwisa mwana nemurapi paEdith Upperman Clinic kuMbare

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

ZVICHITEVERA ndufu dzemadzimai nevana panguva yekubara, izvo zvinokonzerwa nematambudziko akadai sekunonoka kunyoresa nekuda kwekushaya mari, sangano reCatholic Organisation for Relief and Development (CORDAID) riri kutsigira madzimai anotambura nemagwaro (voucher) ekuti vakwanise kunorapwa muzvipatara pachena.

CORDAID inotsigira mabasa eHurumende kuburikidza nekupa rubatsiro kumadzimai ekumaruwa nevamwe vari mumaguta mudunhu reHarare neBulawayo.

Izvi zviri kuitwa kuburikidza nechirongwa cheHurumende cheHealth Sector Development Support Project Additional Financing V (HSDSP AF V) chinotsigirwa nebhanga guru repasi rose reWorld Bank.

Mugore ra2011, Hurumende yakawaniswa rubatsiro urwu rweResult Based Financing (RBF) kubva kubhanga iri rwukabatsira vanhu vari mumatunhu 18 ekumaruwa nemaviri emumaguta panyaya dzeutano hwesikarudzi uye kuti vange vachibarira muzvipatara.

Dr Jasper Chimedza

Kwayedza nguva pfupi yadarika yakaita hurukuro nemamwe madzimai ari kubatsirwa pasi pechirongwa ichi avo vari kuchirumbidza zvakanyanya.

“Nhumbu yangu yainge yatosvitsa mwedzi mipfumbamwe isina kunyoreswa nekuda kwekushaya mari saka vamwe varapi vemunharaunda yeMbare Poly Clinic vakandizivisa nezverubatsiro urwu zvinova zvakabatsira kuti ndikwanise kusunungukira kuchipatara. Dai zvisiri izvo, ndaisunungukira kumba zvinova zvinomutsa matambudziko nokuti handina kuzombotora svondo mushure mekutambidzwa vhocha ndichibva ndasununguka zvakanaka.

“Ini nemwana tiri vatano,” anodaro Letwin Jumbe wekuMbare, muHarare.

Talent Muzerengi (23) anoti akabara mwana wake mushure mekuwaniswa rubatsiro urwu panguva iyo mimba yake yakanga yava nemwedzi mishanu asi isina kunyoreswa sezvo murume wake aikundikana kuwana $2 000 yaidiwa kuchipatara.

Magwaro eMultiple Indicator Cluster Surveys (MICS 2014 -2019) anoratidza kuti nyaya dzeutano hwekuyaruka, vakazvitakura, kubara uye utano hwevana vari kubarwa kusanganisira hwanaamai vacho, huri kusimukira zvakanyanya.

“Zimbabwe iri kutarisira kuderedza ndufu dzemadzimai nevana vanofa panguva yekubara kuenda pa12 pa1 000 mugore ra2030 nekudaro kuburikidza nechirongwa cheCORDAIDS nevamwe vatsigiri, zvinangwa izvi zvinogona kuzadzisika. Huwandu hwendufu dzemadzimai nevana panguva iyo amai vanenge vakazvitakura (Perinatal Mortality) huri kuramba huchiwedzera apo mugore ra2017 taive ne29 pa1 000 uye muna2021 taive pa30 pa1 000.

“Huwandu hwevana vanobarwa vakafa (Fresh Still Births) hwakadzikira apo mugore ra2017 taive nevashanu pa1 000 uye muna2021 taive nemumwe chete pa1 000 vakazvarwa panguva iyoyo,” vanodaro Dr Mavin Venge vakafanobata chigaro chedeputy director kuchikamu cheReproductive Health kubazi rezveutano nekurerwa kwevana.

Vanokurudzira madzimai kuti vakurumidze kunyoresa nhumbu dzavo kuitira kuti matambudziko ekuzvarwa kwevana vasati vasvika masvondo 37 zvichikwira ange achideredzwa.

“Kana madzimai akakurumidza kunyoresa nhumbu dzavo, zvinobatsira kuti vakwanise kuvhenekwa zvirwere zvakadai seHIV nezvimwe zvepabonde kuti zvidzivirirwe kumwana. Kune humwe hutachiona hunoitika muchibereko hunogona kukanganisa makuriro emwana, pamwe pacho huchiita kuti mwana abude nguva isina kukwana opedzisira arasikirwa neupenyu.

“Vamwe vana vanogona kunge vaine mvura mumusoro kana dambudziko renjere, zvese zvinoonekwa nemichina yedu zvogadziriswa nenguva,” vanodaro.

Dr Venge vanoti pane kuderera kwehuwandu hwemadzimai akanyoresa pamuviri muchikamu chekutanga chegore rino kana zvichienzaniswa nemuna2021.

“Zvisinei nematambudziko aya, tinofara zvikuru kuti huwandu hwemadzimai ari kusunungukira muzvipatara huri kuwedzera nechikamu che4 percent kubva gore ra2021 – 22 apo huwandu hwevari kusunungukira mudzimba panguva imwe chete iyi hwakaderera nechikamu che22 percent,” vanodaro.

Zvakaonekwa zvekare kuti dunhu reManicaland uye chipatara cheChitungwiza Central Hospital ndiko kwakaita ndufu dzakawanda muchikamu chekutanga chegore rino.

“Dunhu reManicaland ndiro riri pamberi pahuwandu hwendufu dzemadzimai nevana panguva yekubara apo rakawana ndufu 111 pavana 1 000 vanobarwa vari vapenyu. Panguva imwe chete iyi, dunhu iri rakawana vana 25 331 vakabarwa muzvipatara uye 1 496 vakabarirwa kudzimba,” vanodaro Dr Venge.

Vanoti vanofara zvikuru kuti kuHarare nekuBulawayo hakuna kuwana kana nyaya imwe chete yendufu dzevana mudzimba kana muzvipatara panguva imwe chete iyi.

“Dunhu reMashonaland rakawana ndufu 98 pa1 000 vakabarwa vari vapenyu apo Masvingo iine ndufu 57,” vanodaro Dr Venge.

Munyori mukuru kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Jasper Chimedza, vanoti chirongwa chekupa madzimai vavhocha ekuti vanobatsirwa muzvipatara chiri kuunza pundutso.

“Chirongwa cheRBF ichi charatidza kuva nepundutso kubvira mumwedzi waZvita 2020 pachakatanga uye chichange chiripo kusvika munaKubvumbi 2023. Chinangwa chedu ndechekuona kuti chikamu che75 percent chemari inge ichiendeswa kunyaya dzezveutano uye chikamu che25 percent chemari iyi chichibatsira varapi kuti vashande nemazvo.

“Vese vari kushandisa mavhocha aya vari kubatsirika zvikuru. RBF yakatsigira neUS$25 miriyoni apo Hurumende yakapawo US$24,6 miriyoni,” vanodaro.

Mutsigiri wechirongwa cheCORDAID, Dr Endris Seid, vanoti vari kuita zvese izvi zvichifambirana neNational Health Strategy Policy uye donzvo guru riri rekuona kuti munhu wese awaniswa nyaya dzeutano nemitengo yakaderera kana kuti pachena.

“Chirwere cheCovid-19 ndicho chimwe chakaita kuti mamwe madzimai apedzisire ava kusunungukira kudzimba uye kunonoka kunyoresa nhumbu dzavo. Asi tinofara kuti mumatunhu atiri kuita chirongwa ichi anoti Harare neBulawayo, hakuna ndufu dzakawanikwa uye tikawana rumwe rutsigiro rwemari tinotarisira kuzotekeshera kune mamwe matunhu enyika,” vanodaro.

Ongororo yakaitwa pasi rose nesangano reWorld Health Organisation (WHO) inoratidza kuti vana vanosvika 2,4 miriyoni vakarasikirwa neupenyu mumwedzi wekutanga wekuzvarwa muna2020.

Nyika dziri muSub-Saharan Africa dzinonzi dzine ndufu dzakawanda dzevana vachangobva mukubarwa pasi rose apo dziine vana 27 vari kufa panobarwa vana 1000 vapenyu.

Share This:

Sponsored Links