Ongororo yaRukuvhute

17 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza
MASVONDO apfuura takanga tichiongorora bhuku renganonyorwa rinonzi Manyambiri. Takatarisa zvinhu zvakawanda kwazvo zvinobuda mubhuku iri. Zvimwe zvezvinhu zvamakadzidziswa kuongorora mubhuku iri hazvishamise mukazosangana nazvo pakupera kwegore apo munonyora bvunzo dzefomu yechina.

Zvakakosha kuti mubatisise zvidzidzo zvamunowana mupebanhau rino nekuti zvinokuyambutsai pabvunzo. Hakuna kumwe kwaunogona kuwana ruzivo serwunobva mubepanhau rino. Naizvozvo shingirira kushandisa bepa reKwayedza svondo roga roga kuti urambe uchibatsirikana muzvidzidzo zvako.

Zvisinei, svondo rino tichatanga kuita ongororo yebhuku idzva rakapinda padanho reO-Level uye richatanga kubvunzwa gore rino rinonzi Rukuvhute. Bhuku iri rine nhetembo dzine madingindira akasiyana-siyana. Rakanyorwa nanyanduri ane mukurumbira chaizvo pakupanda nhetembo anonzi Chirikure Chirikure. Bhuku iri rakatsikiswa neveCollege Press mugore ra1989.

Rukuvhute muunganidzwa wenhetembo dzine misoro yakasiyana-siyana. Madziri munobuda unyanzvi utsva hwekutonongora munhu neupenyu hwake, hwekuronga pfungwa, nehwekuronga nhetembo. Umhizha hwemadzitateguru nehwemukore uno hwakabatanidzwa nenzira inosimudzira ChiShona.

Nhoroondo yanyanduri:

Chirikure Chirikure akaberekwa kuVhunjere, kwaGutu, muna 1962. Akadzidza paZimuto Secondary School, Bernard Mzeki College, nepaUniversity of Zimbabwe. Panguva yakatsikiswa bhuku rino nyanduri wadzo akanga achishanda kuCollege Press ari mupepeti wezvinyorwa. Anozivikanwa zvikuru semudetembi, muongorori wenhetembo panhepfenyuro, munyori mumapepanhau uye mutambi mune zvemadhirama.

Nhetembo dzake dzinobata madingindira akasiyana akaita sematambudziko anowira Africa, hondo yerusununguko, rufu, upenyu hwevanhu nezvimwewo.

Tichaenderera mberi nekupepeta nhetembo dziri muna Rukuvhute svondo rinotevera. Fanotsvagai bhuku iri mutange kuriverenga.

Share This:

Sponsored Links