Ongororo yebhuku idzva reNhapitapi yeChiShona

13 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Ongororo yebhuku idzva reNhapitapi yeChiShona

Kwayedza

Musoro webhuku: Nhapitapi YeChiShona Bhuku ReMudzidzi Fomu 2

ISBN : 9781779300935

Vanyori: C. D. S. Hwiridza naL. Viriri

Vatsikisi: College Press Publishers

NHAPITAPI YeChiShona Bhuku ReMudzidzi Fomu 2 rimwe remabhuku eChiShona padanho resekondari ayo ane urongwa hweBhuku 1 kusvika Bhuku 4.

Anozadzikisa zvinangwa nevavariro zvebumbiro idzva rezvidzidzo rakaparurwa muna2015. Mabhuku aya akanyorwa nevanyori vamwe chete. Izvi zvinoreva kuti mabhuku aya akanyatsonyorwa zvine hurongwa hunoyerera zvichitevedza matanho eFomu 1 kusvika Fomu 4.

Vanyori vaviri ava inyanzvi dzomutauro weChiShona dzinotove nemamwe mabhuku adzakanyora.

Nhapitapi YeChiShona Bhuku ReMudzidzi Fomu 2 ibhuku rine butiro rinoyevedza samare izvo zvinokwezva mwoyo wemuverengi.

Rine mifananidzo inokodzerana nechitsauko chega chega. Izvi zvinobatsira mudzidzi kuti anzwisise zviri muzvitsauko izvi. Rine zvinangwa zvetemu imwe neimwe zvakarongwa neumhizha.

Temu yega yega ine zvitsauko 10 uye ichipera nebvunzo dzinobata Pepa 1 nePepa 2. Bvunzo idzi dzinobatsira kusimbisa zvakadzidzwa temu iyoyo kana nedzimwewo dzekumashure, sezvo dzokororo yemisoro yezvidzidzo yakakosha zvikuru.

Bhuku iri rinopa mukana kuvadzidzi wokuti vashandise unyanzvi hwekuteerera, kutaura, kuverenga pamwe nokunyora sehwaro munzira dzekudzidza kana kudzidzisa vadzidzi.

Rinokurudzirawo kushandisa njere pakutsanangura uye kuongorora mamiriro ezvinhu.

Chitsauko chega chega chine zvinangwa zvacho zvakanyorwa pamavambo zviri nyore kuti mudzidzi anzwisise uye kutevedzera seizvi:

Panopera chikamu chino unotarisirwa kunge wogona:

  • kupa mazwi anopikisa awapiwa
  • kupa zvivakashure nemadzitsi zvemazita awapiwa

(Chitsauko 26, peji 128)

Zvitsauko izvi nerimwe divi zvinobata rondedzero, nzwisiso nemashandisirwo omutauro. Izvi zvinobata Pepa 1 rebvunzo dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec). Kune rimwewo divi, rinobata dudziramutauro nemisambo zvinova zvinowanikwa muPepa 2. Dudziramutauro nemisambo yacho zvinobata nokususukidza zvakaitwa muBhuku 1, asi zvisingadzamiswe zvekuenda padanho reFomu 3.

Pane mhando dzakasiyana-siyana dzenzwisiso nerondedzero dzinosanganisira mepu, magirafu, matebhuru, makatuni uye mifananidzo. Izvi ndizvo zvinokurudzirwa nebumbiro rezvidzidzo.

Nhapitapi YeChiShona Bhuku ReMudzidzi Fomu 2Bhuku ReMudzidzi Fomu 2

Iri ibhuku rinobata madingindira makuru muupenyu hwevanhu, sokuti kuzviraramisa, utano, tsika nemagariro, kugadzirisa makakatanwa, HIV neAIDS, kudzivirira nekugadzirisa tsekwende dzeupenyu, kodzero dzevana, nyaya dzeunhukadzi neunhurume nemamwewo.

Zvidzidzo izvi zvakarongwa zvine chinangwa chekubatsira vadzidzi vezera iri reFomu 2. Udzamu hwazvo hunosusukidza hwedanho reFomu 1. Mune mhando dzerondedzero nenzwisiso dzinotsanangurwa zvakajeka. Izvi zvinopa vadzidzi umhizha hwekupenengura nyaya.

Chitsauko chimwe nechimwe chine zvikamu zviviri zvinoti chinobata zvePepa 1 chimwewo zvePepa 2. Chikamu chega chega chinopera nebasa rokuita zvinova zvinobatsira vadzidzi kubatisisa zvavanenge vaita. Izvi zvinovayamura pakugadzirira bvunzo.

Bhuku iri rinopa vadzidzi dzokororo dzakawanda kusimbisa nokubatisisa zvavakadzidza. Kuudza mwana kukomekedza. Vadzidzi vanowana mukana wokushanda pamwe chete vari vaviri vaviri kana mumapoka. Izvi zvinoita kuti vakwanise kutsetsenura zviri muhana dzavo vamwe vakateerera.

Zvakanzi imbwa mbiri hadzitorerwe nyama uyewo kambudzi kubarira pavanhu kati nditandirwe imbwa.

Bhuku iri richabatsira vadzidzi zvakanyanya. Vakuru vakati kupedza nyota kuenda patsime. Hakuna inofurira ivete.

Share This:

Sponsored Links