Uncategorized

Ongororo yevanotambura yoitwa

09 Jun, 2021 - 16:06 0 Views
Ongororo yevanotambura yoitwa Prof Mavima

Kwayedza

Nqobile Tshili

HURUMENDE iri kuita ongororo yakananga kuona vanhu vanoshaya vanoda rubatsiro kumaruwa zvichitevera goho guru rechibage nezvimwe zvirimwa mwaka uno nechinangwa chekubatsira vanotambura panguva iyo nyika iri kurwisana nechirwere cheCovid-19.

Zimbabwe yaive yakatarisana nekusanaya kwemvura zvakanaka mwaka yekurima yakateverana – 2018/19 na2019/20 – izvo zvakaona vanhu vakawanda vekumaruwa vachisangana nedambudziko rekushaiwa chikafu.

Izvi zvakaonawo Hurumende ichibatsira vanhu vakawanda vekumaruwa nechikafu panguva iyo mutungamiriri wenyika President Mnangagwa vaivimbisa veruzhinji kuti hapana anofanirwa kufa nenzara.

Nyika ino yakawana goho guru mwaka wa2020/2021 zvakaita kuti nzvimbo zhinji dzekumaruwa dziwane chikafu zvichitevera kutsigirwa kwakaitwa varimi neHurumende pasi pechirongwa chePfumvudza/Intwasa.

Gurukota rezvevashandi nekubatsirwa kwevanoshaya, Professor Paul Mavima, vanoti Hurumende iri pakati pekuita ongororo yekuona vanhu vachiri kuda rubatsiro rwezvekudya panguva iyo nyika iri kurwisana nekupararira kwechirwere cheCovid-19.

Vanoti bazi ravo rinotarisira kupedza kuita ongororo iyi kupera kwaChikunguru.

Ongororo iyi, vanodaro Prof Mavima, iri kuitwa neZimbabwe Vulnerability Assessment Committee (ZimVac).

“Ongororo iyi iri kuitwa munyika yose pachionekwa kuti ndedzipi nzvimbo dzisina kuwana goho rakanaka rinoraramisa vanhu. Ndedzipi nzvimbo dzinoda rubatsiro rwezvekudya uye dzichazoda rubatsiro munguva inotevera,” vanodaro Prof Mavima.

Vanoenderera mberi vachiti, “Izvi ndizvo zviri kuitika pari zvino. Tinotarisira kuti pakupera kwaChikunguru tinenge tapedza ongororo iyi, tave kuziva kuti ndiani anoda rubatsiro.”

Prof Mavima vanoti vanhu vane mitezo yemuviri yakakwana vanoda rubatsiro vachabatsirwa pasi pechirongwa cheHurumende chekuti vanoshanda mabasa emunharaunda akasiyana vachipiwa chikafu (food for work programme).

Vanoti Hurumende icharamba ichibatsira vanotambura.

“Mungade kuziva zvakare kuti chirongwa chekubatsira vanotambura chiri kuenderera mberi. Vari kubatsirwa vanosanganisira vakaremara mitezo, vakwegura, vane zvirwere zvinoisa hupenyu hwavo panjodzi nevana nherera,” vanodaro Prof Mavima.

Vanoti vanoshaya vemumaguta nemadhorobha vari kubatsirwa zvakare kuburikidza nechirongwa chekupihwa mari yekuti vakwanise kuwana raramo pamwedzi.

Share This:

Sponsored Links