Ongororo yezvirimwa nezvipfuyo yoitwa

17 Jan, 2023 - 14:01 0 Views
Ongororo yezvirimwa nezvipfuyo yoitwa Dr John Basera

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

HURUMENDE inoti ichaparura chirongwa chekutanga cheongororo yezvirimwa nezvipfuyo (Crop and Livestock Assessment) kubva nemusi wa20 kusvika 30 Ndira icho chichabatsira mukuwanisa ruzivo rwakakosha panyaya dzezvekurima.

Vachitaura kuvatori venhau nemusi weMuvhuro, munyori mukuru kubazi rezvekurima, minda, hove, mvura nekusimudzirwa kwemaruwa, Dr John Basera, vanoti ongororo iyi inobatsira zvakanyanya.

“Ongororo yezvirimwa nezvipfuyo ndiyo imwe yenzira dzechimbi-chimbi yekuziva mamiriro akaita chikafu munyika. Izvi zvinopa mucherechedzo wemashandiro ari kuita chikamu ichi pamwe nezvikamu zvakasiyana zveupfumi hwenyika,” vanodaro Dr Basera.

Pamusoro pezvo, Hurumende iri kutarisira kuona nzvimbo dzakarimwa mbesa dzakasiyana mwaka uno sezvo danho iri richipa chenjedzo maringe nechimiro chinenge chakaita zvirimwa muminda zvose nezvipfuyo.

“Pachange pachiongororwa kukura kuri kuita zvirimwa pamwe chete nezvipfuyo uye matambudziko ari kusangana nevarimi izvo zvinobatsira mukutorwa kwematanho akakodzera nguva ichiripo.,” vanodaro.

Dr Basera vanoti panguva iyo Hurumende iri kuedza kusimudzira goho nekuenderera mberi kwechirongwa chePresidential Input Scheme nePfumvudza/Intwasa, ongororo iyi yakakosha zvikuru.

“Tichaongorora nekuona huwandu hwezvirimwa uye kushandiswa kunoitwa zvirimwa zvacho nekuti zvinobatsira kuti tikwanise kuronga remangwana. Madhumeni ndivo vaongorori vakuru vanozounganidza ruzivo kubva kuvarimi vose kutangira kumawadhi 1 600 ekumaruwa.”

Dr Basera vanoenderera mberi vachiti: “Ruzivo urwu rwuchashandiswa pakuyambira, kuronga, kuvandudzwa kwemombe munyika, kuchengetedzwa kwechikafu uye kuyera mashandiro echikamu chose zvichibatsira kuti nyika yedu ive neupfumi hwakanaka.”

Bazi ravo richashanda nemasangano anosanganisira anomirira varimi, anoona nezvekutengesa zvinhu nemamwe mapazi eHurumende.

Dr Basera vanoti zvichienderana nekuvandudzwa kweruzivo rwechizvino-zvino rweindaneti mukurima rwakadai seGeographic Information Systems (GIS), data kit nezvimwe, vave kukwanisa kuwana ruzivo rwezviri kuitwa kuminda munzvimbo dziri kure, kusanganisira kumaruwa.

Izvi zviri kuitwa vachitsigirwa nemapoka akadai seZimbabwe National Geospatial and Space Agency (ZINGSA) kuburikidza nechitundu musere-sere cheZIMSAT1 icho chichangobva mukuparurwa uye chichishandiswa muchirongwa ichi.

“Vaongorori vose vachabata mabasa aya vachapihwa zvekushandisa, kusanganisira makombiyuta, kuti zvive nyore mukuunganidza ruzivo urwu,” vanodaro Dr Basera.

Share This:

Sponsored Links