Ongororo yezvirimwa yoitwa

31 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Ongororo yezvirimwa yoitwa Cde Vangelis Haritatos

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
HURUMENDE inoti ichaita ongororo maringe nehuwandu hwezvirimwa uye zvipfuyo munyika yese kusanganisira nyaya dzemafuro mukupera kwemwedzi waNdira nechinangwa chekuti ive nehurongwa hunoendeka.

Ongororo ichaitwa iyi ichange ichiratidza mamiriro akaita zvirimwa zvakasiyana zvakadai sechibage, zvirwere zvinobata zvipfuyo, mamiriro emafuro nekuwanda kana kushomeka kwakaita mvura, pakati pezvimwe.

Zvichabuda muongororo iyi zvichashandiswa mukutsvaka nzira dzekuderedza matambudziko ari munyaya dzekurima uye machengetedzerwo angaitwa goho nekuva negadziriro yeramangwana.

Mutevedzeri wegurukota rezveminda, kurima, mvura nekugariswa kwevanhu kumaruwa VaVangelis Haritatos vanoti mukupera kwemwedzi waNdira varimi vazhinji vanenge vapedza kudyara zvinova zvinopa mukana wekuitwa kweongororo iyi.

“Chirongwa chekutanga chekuongororo yezvirimwa nezvipfuyo chichatanga kupera kwemwedzi waNdira zvikonzero zviri zvekuti mwaka wekudyara unenge wadarika, zvikuru panhau yechibage asi sugar beans nembambaira varimi vanoenderera mberi nekudyara,” vanodaro.

Vanoti zvichabuda muongororo iyi zvakakosha zvikuru sezvo zvichava yambiro kuvarongi takatarisa budiriro kana kuderera kwezvirimwa negoho remwaka uno.

“Ongororo iyi ichaita kuti pave negadziriro yakasimba maringe nemikaha uye zvinoda kugadziriswa kuti zviitwe nenguva panyaya dzekurima. Zvichabuda mutsvakurudzo iyi zvichashandiswa muchikamu chepiri cheongororo,” vanodaro.

VaHaritatos vanoti ongororo yekutanga iyi haitaure nezvegoho richabuda kana zvakashandiswa mukurima asi kuti izvi zvinozowanikwa muchikamu chepiri (Second Round Crop and Livestock Assesment) chinova chinozoitwa mukupera kwemwedzi waKurume naKubvumbi panguva iyo zvirimwa zvinenge zvakura. Mumwedzi iyi, mwaka wekurima unenge uchitarisirwawo kupera.

“Tinoramba tichikurudzira varimi kuti varambe vachirima nenzira kwayo kuburikidza nekudzivirira twumbuyu kana hudyi uye kusakura sora kuti minda yavo igare yakachena nekuti zvinobatsira zvekare kuti goho ravo riwanikwe richikura,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links