Ongororo yezvirimwa, zvipfuyo yoitwa

08 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
Ongororo yezvirimwa, zvipfuyo yoitwa VaVangelis Haritatos

Kwayedza

Elita Chikwati
HURUMENDE yakatanga chirongwa chekuongorora mamiriro ezvirimwa nezvipfuyo munyika yose nechinangwa chekuti izive kukura kweminda yakarimwa, nyaya dzemafuro nekuwanikwa kwemvura.

Mutevedzeri wegurukota rezveminda, kurima, mvura, mamiriro ekunze nekugariswa kwevanhu patsva VaVangelis Haritatos vanotsinhira nezvechirongwa ichi.

“Chirongwa chekuongorora mamiriro ezvirimwa nezvipfuyo kazhinji chinoitwa pakupera kwemwedzi waNdira makore ose. Zvikwata zvevanhu vachange vachiita ongororo iyi zvichaenda kunzvimbo dzakasiyana kutanga kwesvondo rino. Izvi zvichatibatsira kuti tizive mamiriro chaiyo ezvinhu kuitira kuti tigozivisa nyika,” vanodaro.

VaHaritatos vanoti ongororo yenguva pfupi yakaitwa nguva yadarika inotaridza kuti mamiriro ezvirimwa zvizhinji munyika akanaka zvikuru, kunyangwe zvazvo kune dzimwe nzvimbo zvirimwa izvi zvakadzikira nekuda kwekusanaya kwemvura zvakaringana zvichikonzerwa neEl Nino.

“Ndine chokwadi chekuti kana tikawana mvura yakaringana muna Kukadzi, zvirimwa zvakawanda zvinoita zvakanaka towana goho guru. Izvi zvichabatsira mukuwedzera huwandu hwechibage chatinacho parizvino, zvoita kuti chive chinokwanirana mwaka uno uye zvichireva kuti hatizi kuzotenga chibage kunze kwenyika kwemakore matatu akatevedzana,” vanodaro.

Vanoti Hurumende iri kugadzurudza madhamu anoda kuvandudzwa munyika uye nekuvaka mamwe matsva kuitira kuti mvura yekushandisa ivepo zvichitevera kusanduka kwemamiriro ekunze zvichikonzerwa neEl Nino.

“Tinokurudzira varimi kuti varime zvimwe zvirimwa kunze kwechibage zvakadai sedonje nembesa diki dzinosanganisira mhunga nezviyo izvo zvisingadi mvura yakawanda.

“Varimi vedu vari kuita basa rakanaka uye ticharamba tichivatsigira kuitira kuti vashandise minda yavo zvizere.

“Sebazi rezvekurima, tinonzwisisa kukosha kwakaita michina mukusimudzira nyaya dzekurima nekudaro takanyorerana pasi zvibvumirano nemakambani anopa matarakita, mishina yekukohwesa nezvimwe kuti vabatsire varimi vedu,” vanodaro.

VaHaritatos vanoti vanokurudzira makambani akazvimirira kuti atsigire varimi mubasa ravo.

Mukuru wesangano reZimbabwe Farmers Union VaAbdul Nyathi vanoti zvirimwa zvakawanda munyika zviri kutaridza chimiro chakanaka.

“Mamimiro ekunze apatsanura nyika kuiisa muzvikamu zviviri. Mamiriro ezvinhu haana kunaka kunzvimbo dzinosanganisira Masvingo, Matabeleland neManicaland uko zvimwe zvirimwa zvave kutooma uye zvinogona kutooma zvachose kana mvura ikasanaya zvakaringana kusvikira panopera mwedzi uno,” vanodaro.

Zimbabwe Commercial Farmers Union president VaShadreck Makombe vanoti varimi vari kusangana nematambudziko ekuwana mishonga yekudhibhisa zvipfuyo zvavo pamwe neyekubaya majekiseni ekudzivirira zvirwere zvakasiyana sezvo iri kudhura zvikuru.

Share This:

Sponsored Links