‘Ongororwai chirwere cherurindi paine nguva’

10 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
‘Ongororwai chirwere cherurindi paine nguva’ Paidamoyo Magaya

Kwayedza

Daphne Machiri

VERUZHINJI vari kukurudzirwa kuti vasarere zvirwere zvinotapuriranwa secherurindi kana kuti TB vari mudzimba sezvo zvakakosha kuongororwa nguva ichiripo kuitira kuti zvive nyore kurapwa.

Dr Charles Sandy

Kurudziro iyi yakaitwa naDr Charles Sandy, avo vanova mutevedzeri wachamangwiza wechikamu cheHIV, AIDS and TB Unit mubazi rezveutano nekurerwa kwevana.

Vanoti utachiona hwerurindi hunoda kuongororwa nenguva.

“Izvi zvinobatsira kuti munhu kana akaongororwa akaonekwa aine chirwere ichi, anorapwa nekukasika. Vanhu vari panjodzi yekubatwa nechiwere ichi vana vari pasi pemakore 5 okuberekwa nekuda kwekuti havakwanise kutaura zvavanenge vachinzwa mumiviri yavo uye vabereki vazhinji vanoregerera vana vanenge vaine chikosoro vachiti chando chinenge chapinda mavari,” vanodaro Dr Sandy.

Vanoenderera mberi: “Munhu anokwanisa kutapurirwa chirwere ichi kubudikidza nekufema mweya wemumhepo unenge uine utachiona hwerurindi uye nekugara munzvimbo dzakamanikidzika kunova kunoita kuti vanhu vatadze kufema zvakanaka.”

Mamwe masangano anorwisa kupararira kwechirwere cherurindi ari kushanda pamwe chete nebazi iri anosanganisira Stop TB Partnership Zimbabwe nereInternational Union Against Tuberculosis and Lung Disease.

Mutauriri wesangano reInternational Union Against Tuberculosis and Lung Disease, Paidamoyo Magaya, anotsinhira kuti chirwere cherurindi hachidi kurerwa.

“Sesangano, tine donzvo rekuderedza kupararira kwechirwere ichi uye tiri kupinda munzvimbo dzakasiyana, zvikuru dzekumaruwa tiine motokari dzine michina inoongorora nekuvheneka utachiona hwerurindi maringe nezvinangwa zvepasi rose zvekudererdza kupararira kwechirwere ichi mugore ra2030.

“Motokari iyi ine michina inotora maX-ray pamwe neyatinoti maGene Expert machine unova muchina unovheneka utachiona hwerurindi pachena uye nekukasika. Vanoonekwa vaine chirwere ichi vonobva vapinda pachirongwa chekupihwa mushonga nekukasika,” anodaro.

Anoti kubudikidza nemichina iyi, veruzhinji vari kuvhenekwa zvakare zvirwere zveshuga neutachiona hweHIV.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey