Uncategorized

Onyora bhuku rezveCovid-19

15 May, 2020 - 00:05 0 Views
Onyora bhuku rezveCovid-19 Aaron Chiundura-Moyo

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUNYORI wemabhuku nemadhirama eChiShona wemandiriri, Aaron Chiundura-Moyo, anoti ari mushishi kuunganidza zvaanoda kuti zvizova mubhuku raari kuda kunyora iro riri pamusoro pemadzudzo kana kuti matambudziko aunzwa nekuda kwechirwere cheCovid-19 muZimbabwe nepasi rose.

Chiundura-Moyo (70) — uyo akanyora nekutsikisa mabhuku nemadhirama akawanda uye achigara mumusha weGlen View 3, muguta reHarare — anoti denda reCovid-19 rauya nemutowo waro roga izvo zvamutuma sanyanduri kuti asangosiya nyaya iyi, asi kunyora bhuku.

Anoti kusiya nyaya yeCovid-19 isina kunyorwa nezvayo zvakangofanana nembwa inoramba inyerere isingahukure pamusha pasvika chikara.

“Chokwadi handione zviine chimiro chakanaka kuti nekuzivikanwa kwangu munyaya dzekunyora mabhuku echivanhu ndongonyarara pakadai. Ko pandingazotaura ndepapi kana ndikatanda panyaya yeCovid-19?

“Saka ndiri kunyora zvinhu zvakasiyana nekuda kwedenda iri izvo ndichaisa mubhuku renhoorondo netsavatsava yatiri kuoneswa nechirwere ichi,” anodaro Chiundura-Moyo.

Chirwere cheCovid-19 chinokonzerwa nehutachiona hunonzi coronavirus uho hunotapuriranwa nyore uye nekukasika muvanhu.

MuZimbabwe Covid-19 yauraya vanhu vana (4), vamwe 12 ndokunaya pavanhu 37 vavhenekwa vakawanikwa vainayo.

Zimbabwe itori muhondo yekurwisa Covid-19 izvo zvaita kuti svondo rino rive rechinomwe veruzhinji vachikurudzirwa kugara kudzimba sedanho rekumisa kupararira kwecoronavirus.

Chiundura-Moyo anoti agara achinyora mabhuku pamusoro penyaya dzaanonzwa muvanhu kana mumabhawa asi asi yeCovid-19 aita kuzvionera pamhuno sefodya kwete kuita zvekutaurirwa.

“Takambonyora nechainzi chakapedzambudzi uyewo nedenda reshuramatongo kana kuti mukondombera, zvino nhasi tava neCovid-19. Magwaro nezvinyorwa zvacho ndava nazvo, chandimisa bedzi imari nekuti kudhinda bhuku kunoda mari yakawanda nevanonzvera.

“Kana kuita dhirama racho kunodiwa mari. Vanyori vemabhuku tasiyana nevaimbi nekuti vanongopinda mukutsikisa kana nhasi chaiye, mangwana  rwiyo rwotobuda.”

Chiundura-Moyo anotizve sezvo denda iri riri idzva pasi rose, hapana munhu – kunyange nyanzvi dzakaita sei – angasiya mashoko aro asina paanoiswa mudura reruzivo.

“Ndanyora mabhuku anokwana gumi nemapfumbamwe (19) kubva pandakatanga ndikaita mitambo yemadhirama epachivhitivhiti inodarika gumi kuchizotiwo mimwe yepanhepfenyuro, saka apa handinganyarare.

“Ndinozvidudzira muzvinyorwa zvangu zvandiri kuisa pasi,” anodaro.

Akati zvinyorwa zvake zvichatozova nhoroondo sezvo achiti iye zvino haana nguva chaiyo yaangati achaburitsa bhuku iri nekuda kwekushaya mari yekuritsikisa.

“Hatizive kuti denda iri richakurirwa zvariinhi, saka ndinoti bhuku iri richazova nhoroondo. Sezvinongoitwa denda refuruwenza nezvimwe zvakanetsa kare sehondo yepasi rose, pakadai ndinoti dai Hurumende ichititsigira zvaingotora masvondo maviri bhuku rangu rainge rabuda.”

Chiundura-Moyo anowedzera achiti mukukura kwake haana kumbobvira akasangana nechirwere chakaita seCovid-19 icho chinobva chakonzera chipatapata pasi rose vanhu vachishaya nepekubata.

“Kungonzwa kuti denda iri ratanga, zvikanzi dzimwe nguva rakonzerwa nezvipuka kana kudya kwakati. Muno nepasi rose tine vanozviti inyanzvi – iwo mascientists nen’anga, ko iwo makereke nemaporofita nemufundisi ngavashandeka pamwe chete vatsvage mishonga inorapa Covid-19,”  anodaro Chiundura-Moyo.

Anoti inyaya inomurwadza kuti pamwe bhuku rake rinotozobuda kwadarika makore asi riri pamusoro pezvinhu zviri kutoitika izvozvi.

Chiundura-Moyo anoti akatanga kunyora mabhuku achiri kuchikoro mugore ra1968, ndokuzodhindisa bhuku rake rekutanga mugore ra1973.

Anokurudzira veruzhinji kuti vatevedzere matanho ose ari kuiswa neHurumende pakurwisa Covid-19.

“Ngatitevedzerei zvatinonzi tiite nehwereshenga nenyanzvi pakukoshesa hutsanana. Hatidi kuuraisa vamwe vanhu nekusanzwa kwedu, kana wada kufa iwe ifa woga neshungu dzako dzekusiya nyemba  wosiya vamwe neupenyu hwavo,” anodaro munyori anozivikanwa zvikuru uyu.

Anoti kana waita dambudziko, zivisa vamwe kwete kunyarara panguva ino yedenda reCovid-19 sezvo zvichida kuyamurana.

Share This:

Sponsored Links