Onzi aroore amai vake

20 Dec, 2019 - 00:12 0 Views
Onzi aroore amai vake

Kwayedza

Nyasha Bvudzijena

MUKOMANA wemuHarare anoti ari kuoneswa ndondo nemadzisekuru — hanzvadzi dzaamai vake — vachimuti abvise pfuma yekuroora amai vake sezvo baba vake vasina roora ravakavapa.

Tatenda Zvavamwe akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court apo akamhan’arirwa naChenai Antonio, uyo anova mudzimai wababa vake, achiti ari kumushungurudza.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Antonio gwaro rinomudzivirira.

“Ndinoda kuti mukomana uyu amiswe kuuya pamba sezvo achiita mhirizhonga uye kuparadza midziyo yangu. Anouya achiti baba vake ngavabvise zita ravo pachitupa chake sezvo achiti havana kumuchengeta nekudaro zvinopedzisira zvave kuita kuti vanetsane,” anodaro.

Zvavamwe anoudza dare kuti ane chigumbu nababa vake nekuti havana hanya naye.

“Inini handikwanise kurega kuenda pamba pavo nekuti ndinenge ndichida kuona baba vangu uye kutsvaga rubatsiro sezvo ndiri kushupika uyezve havana kubvira vakandichengeta. Hama dzamai vangu dzinotondinetsera mari yeroora nekuti vanga vasina kubvisira mai vangu,” anodaro Zvavamwe.

Anoti baba vake vanosarura vana uye vakamuvenga nekudaro zvinomurwadza sezvo asisina chokwadi chekuti ndibaba vake chaivo.

Mutongi Miti anoti dare harigone kumisa Zvavamwe kusvika pamba panogara Chenai sezvo pachigara baba vake.

Share This:

Sponsored Links